‘Vanhu 30 parufu’ yomutsa mutauro

Kingstone Mapupu MUTEMO weHurumende unoti vanhu vanenge vari parufu havafanirwe kudarika 30 nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 unonzi uri kukonzera kukakavadzana mudzimwe mhuri zvekusvika vanhu pakuita sevacharwa sezvo vakawanda vanenge…

Vemachechi voyambirwa

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), riri kukurudzira vatungamiri vemachechi ari pasi paro nevamwe kuti vatevedzere mitemo ine chekuita nekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 uye kuti…

Hausi musoro wemwana wedu: Mhuri yekwaMakore

Kingstone Mapupu MHURI yekwaMakore kwaNyamutumbu, kwaMurehwa – iyo ine mwanakomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuwanikwa usina dzimwe nhengo – inoti yaudzwa nhasi kuti ongororo yeDNA yakaitwa musoro wakanikwa nguva…

‘Tambopihwa mukana’

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS KUNYEVENUTSWA kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) uko kwakaitwa neHurumende kwotarisirwa kusimudzira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika icho change chadzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwedenda iri. Vari muchikamu…

‘Unzai mabhazi evana vechikoro’

Muchaneta Chimuka VABEREKI vari kukurudzira kuti panovhurwa zvikoro pange parongwa mabhazi anotakura vana nevarairidzi bedzi kuitira kuti vasazosangana neruzhinji sezvo zvichivaisa panjodzi yeCovid-19. Vamwe vabereki vanoti zvikoro zvizhinji hazvina mabhazi…

Akaponderwa musikana

Kingstone Mapupu VARUME vana vekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vakasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuponda mumwe murume wemumusha mavo apo vairwira musikana. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti Clever Muuduri…

Akarohwa nemheni pasi pemuti

Kingstone Mapupu MURUME aigara mubhuku raKadowaire, kwaMambo Chisunga, kuGuruve anonzi akafa mushure mekurohwa nemheni apo ainge agere pasi pemuti. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo…

Vamwe votyora mirawo yeCovid

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuonekwa vachingombeya-mbeya munzvimbo dzinosanganisira mumaguta nemumadhorobha apo vanenge vasina kupfeka mamasiki uye vachiita chitsokotsoko izvo zvine njodzi huru…

‘Tagadzirira chikoro’

Mary Chimenya VADZIDZI vekusekondari, makoreji nekumayunivhesiti vanoti vagadzirira kuvhurwa kwezvikoro zvichitevera kuvharwa kwazvange zvakaitwa kwenguva yakareba nekuda kwechirwere cheCovid-19. Zvikoro zvepuraimari nesekondari zviri kuvhurwa nemusi wa15 Kurume kuvadzidzi vari kunyora…

Zvichangobuda . . . .   Musoro ndewaTapiwa: DNA

Munyori weKwayedza MASHOKO achangobuda ari kuti dehenya iro rakawanikwa mazuva mashomanana mwana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore Jnr (7), achangobva mukupondwa nderemusoro wemwana uyu. Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa munaGunyana gore rapera, mutumbi…

×
×