Kurima munda zvemandorokwati
Wendy Madzura PAKURIMA mumunda, varimi vanofanira kucherechedza kutenuka kunenge kwakaita munda (slope). Musarima pamunda wakanyanya kutenuka nekuti zvinoita kuti ivhu rikukurwe nemhepo kana nemvura (erosion). Kana muchirima, zvakakosha kutevedza ma”contour…
Vorwisa huchapa muMbare
Abel Ndooka VECHIDIKI vanogara mumusha weMbare, muHarare, vari kuita mabasa makukutu ekusimudzira nyaya dzehutsanana kuburikidza nekuchenesa nharaunda nekutsvaira marara vachipisa nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa zvinosanganisira Covid-19, cholera netyphoid.…
Mapfupa ekamwana akawanikwa mubako
Kingstone Mapupu MHURI inobva kuZaka, mudunhu reMasvingo, inoti yakashaya mwana wayo aive nemakore matatu ekuberekwa muna 2018, ndokuzowana marangwanda ake ari mubako reko nguva yadarika. VaSinos Jenjere (31) vemubhuku raZibhowa,…
Chimuka atora mumwe mubairo
Munyori weKwayedza MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka nemusi weChipiri uno akahwapura mubairo mukuru weArts, Culture and Entertainment Journalist of the Year mumakwikwi eNJAMA Awards ayo akaitirwa muguta reHarare. Chimuka akaenda kumba…
Mvura ine dutu nemheni yonaya
Muchaneta Chimuka MVURA zhinji ine dutu nemheni inotariswa kunaya nyika yose kusvika nemusi weMugovera. Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorogical Services Department (MSD) rakabatana nevechikamu cheDepartment of Civil Protection Unit, rinoyambira…
Maonero Edu: Hondo yeCovid haisati yapera
KUBVIRA munaKurume gore rino, pasi rose riri kuchema-chema zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19. Chirwere ichi chakonzera ndufu dzevanhu vakawanda pamwe nematambudziko anosanganisira kudzosera kumashure nyaya dzebudiriro yeupfumi. Covid-19 iri kunyuka kepiri…
Vaida kudya mwana masikati machena
Cletus Mushanawani YAKAVE batai-batai murukisheni rweSakubva, kwaMutare, svondo rapera apo vasikana vechidiki vatatu vanonzi vakazama kudzipa mwana ane makore matatu ekuberekwa vachida kumuuraya pamwe nekudya nyama yake zuva rakacheka nyika.…
Vofamba vari musvo
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaNyamweda, kuMhondoro, vanonzi svondo rapera vakaona bhaisikopo remahara apo vamwe vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vakakurura hembe dzavainge vakapfeka, ndokufamba vari musvo zuva rakacheka nyika pataundishipi…
Ginimbi ari kuGehena. . .PaCovid tiri kurangwa . . . Ndini mutsvene bedzi
Kingstone Mapupu PROPHET Talent Madungwe wechechi yeDesire of All Nations — uyo anoti anogara achishanyira Mwari pamwe nekutaura navo pose paada — atanga “futi”. Rwendo rwuno adzoka achiti mumwedzi waGumiguru…
Vobatwa neCovid-19 vowanda
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti iri kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika muno mumasvondo matatu adarika nekudaro matanho ose akatarwa ekurwisa denda iri anofanirwa kutevedzerwa zvizere.…











