Vorwisa huchapa muMbare

Abel Ndooka

VECHIDIKI vanogara mumusha weMbare, muHarare, vari kuita mabasa makukutu ekusimudzira nyaya dzehutsanana kuburikidza nekuchenesa nharaunda nekutsvaira marara vachipisa nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa zvinosanganisira Covid-19, cholera netyphoid.

Svondo radarika, vechidiki ava vakatenderera vachichenesa nzvimbo dzemumusha uyu.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe wevakatangisa chirongwa ichi — Stanley Kaviya — anoti sevechidiki, vanofarira nzvimbo yavo nekudaro vakatora danho rekuti vatange chirongwa chekuchenesa nharaunda.

“Nguva yatiri kurarama iye zvino tiri kurwisana nedenda reCovid-19, chirwere ichi chakanganisa zvikuru upenyu hwedu uye mararamiro atinoita. Saka isu takatora danho rekuti tichenesa nharaunda dzedu nekudzitsvaira marara tibatsire kuti pasaite dambudziko rezvimwe zvirwere zvinogona kunyuka.

“Hurumende yedu iri kurwisa nepainogona kuti Covid-19 ipere saka isuwo sevechidiki tine basa rekutsigira zviri kuitwa mukuchenesa nharaunda.

“Marara akazara muMbare asi isu tinoda kugara pakachena, ndiko kusaka takatora danho rekubvisa marara achinopiswa kuti tigare nharaunda dzedu dzakachena,” anodaro Kaviya.

Vanoti svondo rega-rega vachange vachitsvaga nzvimbo dziri muMbare idzo vanotsvaira marara.

“Ichi chirongwa tachitanga tiri vashoma uye tatangira munzvimbo yeNational, tichange tichizviita svondo rega-rega tichienda kune dzimwe nzvimbo tichitakura marara. Zvatinoda kuti vamwe vagari vemuMbare vabatane nesu tishande pamwe chete mukuchenesa nzvimbo yedu. Hatidi huchapa nekuti hunokonzera zvirwere,” anodaro Kaviya.

Related Posts

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Mwanasikana onetswa nengozi yemutorwa

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 17 weimwe mhuri inobva kwaSabhuku Kufa, kwaMambo Chiduku, kwaRusape, anoti ashungurudzwa nengozi yemutorwa inosvika paari. Tanatswa (kwete zita rake chairo) anoti ngozi inosvika paari iyi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×