B and P yovandudza zvikoro

ZVIKORO zveB and P Study Centre zviri kuenderera mberi mukusimudzira fundo munyika zvichitevera kuvandudzwa kuri kuitwa zvimwe zvacho kuti zvive mabhodhingi kunzvimbo dzakaita sekwaSeke.

Muhurukuro neKwayedza, Reverend Bigboy Gawa, vanova muridzi wezvikoro izvi, vanoti basa rekuvandudza chimwe chikoro chavo chepuraimari chekwaSeke rakatotanga uye riri kufambira mberi zvakanaka. “Izvozvi tiri kuvandudza puraimari yekwaSeke kuti ive bhodhingi uko kwakatopera kuvakwa dzimba dzinoti dzeECD, yacaretaker, matron, yaboarding master uyewo hwaro hwedzimba dzekurara dzevana hwakatotanga kuvakwa. Munguva pfupi iri kutevera dzimba dzekudzidzira dzinenge dzatangawo kuvakwa. Patinosvika kupera kwegore rino, chikoro ichi chinenge chapera kuvandudzwa,” vanodaro Rev Gawa.

Vanoti vane imwe nzvimbo yavakapihwa kumaruwa ekwaSeke padyo nekuDema uko vanoda kuvakawo zvimwe zvikoro zvepuraimari nesekondari uye vanotarisira kuti kuzovawo nebhodhingi.

“Pamusoro pezvo, kuNyamhunga, kuKariba tiri kuvaka chikoro chesekondari nechepuraimari izvo tine hurongwa hwekuzozviita mabhodhingi zvakare,” vanodaro.

Rev Gawa vanoti munyika muno zvikoro zvepuraimari zvinove mabhodhingi zvishoma zvikuru uye ichi ndicho chikonzero chiri kuita kuti vave nezvikoro zverudzi urwu.

Zvikoro zveB and P Study Centre zvakavambwa mugore ra2008 uye zvinowanikwa munzvimbo dzakaita sekwaSeke nekuChitungwiza.

“Zvikoro zvedu zvose zvine vashandi 105, vadzidzisi vachikwana 70 pamwe chete. Vana vepuraimari vanosvika 905 avawo vesekondari vari 401. Bhodhingi yedu yepuraimari ichange ichitangira paGrade 3 kusvika 7,” vanodaro. Vanoti vanofara zvikuru nekubudirira kuri kuita vadzidzi vepazvikoro zvavo mubvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level.

“Gore rakapera paseri pabvunzo dzedu dzeGrade 7 vana vapakasa nechikamu che98,8% uyewo gore rapera tikaita 100%. Kusekondari – uko vadzidzi vanonyora bvunzo dzeCambridge neZimsec dzeForm 4 neForm 6 – gore rapera O-Level vakapasa nechikamu che71% paA-Level ndokupasa ne75%,” vanodaro VaGawa.

Vanoti chishuwo chavo kuti vana vepazvikoro zvavo varambe vachibudirira mubvunzo dzavo.

VaGawa vanoti vane mabhazi anotakura vana kuvaendesa nekuvadzosa kuchikoro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×