‘Harisi basa remuroora’

VERUZHINJI vanoshora zviri kuitwa nevamwe varoora vaviri vekuBulawayo avo vari kupanana majana ekugezesa tezvara vavo vachivabvisa nekuvapfekedza hembe.

Vanhu vakataurwa navo neKwayedza vanoti izvi hazvitenderwe patsika dzechivanhu.

Mai Susan Sithole (30) vekuMbare vanoti hazvikodzeri kuti muroora agezese tezvara vake.

“Hazvitenderwi zvachose, ko vari kushaya dzimwe hama dzechirume here dzinoita basa iroro?

‘‘Havaoni here kuti vari kuomesera varoora. Kunyangwe vachembera sei, tezvara nditezvara uye chiremerera ichocho hachiperi kusvika mukufa. Ko, vakazotsvagirwa mhosva nevaroora vanoti chii?” vanodaro.

Ronnie Muzanenhamo (19) wemuHarare anotiwo hazvina kunaka kuti varoora vagezese tezvara.

“Hongu bhaibheri rinotaura kuti tiitire vamwe zvakanaka asi tsika nemagariro edu hazviraswi. Kunyangwe muroora anoshanda muchipatara, anotoita kuti mumwe murapi asiri iye avabaye majekiseni. Hazviite kana kuwacha mbatya dzatezvara,” anodaro.

Mai Linda Moyo (25) vanoti zvinoenderana nekuti zvinhu zvakamira sei.

“Kana vatezvara vachirwara pasina mumwe munhu wechirume anokwanisa kuvagezesa ndinoita ini basa iroro. Asi ndinenge ndichifanira kuzoripwa nemombe chaiyo.”

Mai Trish Zhou (22) vanoti tezvara vanofanira kugezeswa nevanakomana vavo kwete nevaroora nekuti hazvitenderwi patsika dzechivanhu.

Mashoko avo anotsigirwa naMai Leon Kembo (29) vachiti kunyangwe vanakomana vatezvara ava vachishandira kure, vanofanira kuwana nguva yavanosiya vageza baba vavo.

Asi Mai Florance Sithole (35) vanotiwo havaoni chakaipa kuti muroora agezese tezvara.

“Tingarasa here vatezvara nekuti varwara?’’

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×