‘Baba Guti vaida vanhu’

naAbel Ndooka

MUVAMBI wechechi yeZAOGA Forward in Faith Ministries International, gamba renyika – mushakabvu Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti – munhu aida vanhu uye vakashanda basa guru rekukurudzira veruzhinji kuzvishandira nemaoko avo.

Izvi zvakataurwa nemudzimai wavo – Professor Eunor Guti – svondo rino apo ZAOGA FIF iri kupemberera kusvitsa makore 65 yavambwa.

Archbishop Guti vakavamba chechi iyi pasi pamuti kuBindura kudunhu reMashonaland Central asi nhasi uno ZAOGA yatekeshera pasi rose.

Prof Eunor Guti vanoti ZAOGA kuti isvike payave nhasi, inhau yekuti Archbishop Guti munhu ainge akazvipira pabasa ravakatumwa naMwari uye havana kubvira vabvuma kunyengedzwa nezvenyika.

“Moziva Baba Guti munhu akashevedzwa naMwari mushure mekunge vachema nguva refu kuti Mwari taurai neni uye ndokubva Mwari ataura navo, havana kuzombodzokera kumashure.

“Baba vainge vakazvipira kunyangwe pavakatanga chechi ino vakasangana nezvakawanda asi havana kumbodzokera kumashure, vakaramba vakamira pachinangwa chavo vachifamba nevhangeri kusvika kereke yeZAOGA FIF yasvika payave nhasi apa,” vanodaro.

Vanoenderera vachiti: “Baba Guti munhu aida vanhu uye vaida kuona kubudirira kwevanhu ndiko saka vaiparidza vachikurudzira kuti vashandise maoko avo kuzvishandira.

“Mharidzo yavo yaiti ko unopedzerei nguva uchibata zvisina basa kana kuswera uchidhakwa iwe uchikwanisa kuzvishandira uchiraramisa mhuri yako?

“Baba Guti vaiti ukavapa mari yechinwiwa chaicho vaisanwa sezvo mari iyoyo vaiigovera kune vanotambura ndiko saka vakazovamba muzinda unochengeta nherera.

“Isu pamba pedu taichengeta vanhu vanoshaya uye zvataidya ndizvo zvaidyawo vanhu ivavo, izvo zvairakidza kuti Baba Guti vaive munhu wevanhu.”

Musvondo rekupemberera kusvitsa kweZAOGA FIF makore 65 yavambwa, chechi iyi ine zvirongwa zvakasiyana zvekurangarira Archbishop Guti pamwe nekupemberera basa ravaiita rekutendeutsa vanhu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *