Wanano yaparara mudzimai akwereta murume US$350

Chipo Mukorama

WANANO yevaviri yakaparara mushure mekunge mudzimai atadza kudzosera US$350 yaaive akwereta kumurume wake.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa Sibongile Zongora pamba nemurume wake, Farai Tangwira, munaKukadzi gore rino.

Zongora akaudza dare reHarare Civil Court kuti akakwereta US$470 kubva kuna Tangwira ndokumuvimbisa kuti aizomudzorera.

Anoti akangokwanisa kumudzosera US$120 chete asi  Tangwira akati aida mari yaive yasara iyo yaakatadza kubhadhara.

Zongora akabva adzingwa pamba izvo zvakazoita kuti apotere kudare ndokupihwa gwaro redziviriro nemutongi Meenal Narotam.

“Mumwe musi munaNdira, ndakakwereta US$470 kumurume wangu ndikazotadza kumudzorera nenguva, ndakangokwanisa kumudzorera US$120.

“Akandidzinga pamba pedu ndokutanga kugara neshamwarikadzi yake.

“Ndakatorara panze nemwana wedu ane makore maviri okuberekwa kuchinaya nekuti akaramba kuti tidzokere mumba pasina kumudzosera mari yechikwereti chake yose.

“Pandakazivisa hama dzake nezvenyaya iyi, zvakabva zvamutsa hondo,” anodaro Zongora.

Anoenderera mberi achiti: “Ndichiri kumuda uye zvisinei kuti akandidzinga pamba pangu, ndinoda kuti dare rindibatsire nekundichengetedza ndisati ndadzokera kumba.”

Tangwira anoti haachada nezvaZongora.

“Ndakamupa gupuro asi akaramba kuritambira kana kubva pamba pangu.

“Ane sitendi yake yaanogona kuvaka imba asi achiri kuda kugara neni

“Handigone kugara nemunhu asingandiremekedze.

“Ndiye ane mhirizhonga, handichadi kumuona pedyo nepamba pangu,” anodaro Tangwira.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *