‘N’anga, maporofita enhema ngavarangwe zvakasimba’

Kingstone Mapupu

HURUMENDE yokurudzirwa kusimbaradza  mitemo yemashandiro emachiremba echivanhu anosanganisira n’anga nemaporofita senzira yekuchengetedza vanhu vanoenda kwavari vachida kubatsirwa nekuda kwehuwori nehuguruvhani huri kuitwa nevamwe vavo.

Kurudziro iyi inotevera nyaya yakabuda mupepanhau rino svondo rapera yemaporofita nedzimwe n’anga dzenhema avo vanozviti  vanotumira nyuchi kuvanhu vanenge vatadzira vamwe senzira yekugadzirisa kukanganisirana uko vanenge vaitirana.

Kune vamwe vanhu vanozviti in’anga kana maporofita vane mavhidhiyo ari kubuda pamadandemutande anosanganisira Facebook apo vanhu vanenge vakamomoterwa nenyuchi.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inotaridza kuti pane n’anga nemaporofita enhema vari kupa vanhu mari kana kuti kuita anonzi mabhidhiri apo vanenge vapihwa mari ava vanonyepera kupupura kuti varoyi kana zvimwe zvakasiyana-siyana.

Zvakabuda zvekare muongororo iyi kuti kune maguruvhani ari kutora zimai renyuchi kana kuti ‘queen bee’ iro rinonzi rikaiswa pamunhu dzimwe nyuchi dzinouya dzichimumomotera asi dzisingamurume.

Prophet Miracle Paul vekuChitungwiza vanoti yakwana yekuti Hurumende idzike mitemo yakasimba inochengetedza veruzhinji kubva kuvarapi vechivanhu kuti vanhu vasabirwe nekutorerwa pfuma yavo.

“Zvinotaridza kuti hakuna mitemo yakasimba inochengetedza veruzhinji kubva kumaporofita nen’anga nevamwewo varapi vechivanhu ava. Honai munhu wese angofunga kunamatira musango unomuona aisa musososo pasina kana chimbuzi nemvura otanga kuunganidza vanhu pasina anomubvunza. Hakuna anotsvaga nhoroondo yake kuti akabva kupi, imwe nguva imhondi yakatiza kwayaiva yava kusvikogara musango umu,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

Vanoti sangano reTraditional Medical Practitioners Council of Zimbabwe (TMPC), iro rinoshanda riri pasi pebazi rezveutano nekurerwa kwevana, rinofanirwa kudzika mitemo yakasimba yekuranga maporofita nen’anga vanowanikwa vachitsaudzira pavanobatsira vanhu.

“TMPC ndiro sangano rinopa mitemo kumachiremba nemaporofita richishanda nemasangano anonyoresa varapi ava. Taita dambudziko remachiremba echivanhu anofurira vamwe vanhu kuchekeresa, kubata chibharo nekuita zvimwe zvakaipa zvakawanda, vanhu vakadai ngavasungwe vaendeswe kumajeri,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

VaFreeman Kanodeweta vanova administrator kuTMPC vanoti matambudziko akawanda ari kusangana nevamwe vanhu vanoenda kunotsvaga rubatsiro kumaporofita nekun’anga ari kusvika kumahofisi avo.

“Mitemo iripo inofanirwa kutevedzwa nen’anga, maporofita, mafundisi, vananyamukuta nevamwe vakasiyana asi vamwe vanhu havauyi kwatiri kuzotaura. Tine masangano anonyoresa machiremba echivanhu aya akadai seZINPA neZinatha nekudaro ndivo maziso edu, vanoshanda nemaInspectors edu pamwechete nemapurisa kusunga vanotyora mitemo,” vanodaro VaKanodeweta.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tine mamwe masabhuku nemadzishe vanodyidzana nen’anga nemaporofita echikoronyera avo vanovashevedza vobira vanhu mari vachitsikisa mitanda. Vanhu vakarega kutaura zvakadai hapana kuziva kwatinozviita uyewo onai kuti varapi ava vane matsamba here anodiwa.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoyambirawo veruzhinji kuti vangwarire zvakanyanya n’anga nemaporofita enhema, vachiti matsotsi akadai ari kuwanda mazuvaano.

“Vanhu ngavasangoshevedza n’anga, maporofita nemafundisi avasina nhoroondo navo kudzimba kwavo kana ivo kuendako vachida kunobatsirwa. Mamwe madzimai ari kunobatwa chibharo, vamwe vachidyiswa mishonga inouraya nekubirwa zvakare pfuma yavo. Kana muchinge makanganisirwa kana kuona kuti mabirwa nekutsotswa, mhanyai kumapurisa ari padyo vanhu ava vasungwe,” vanodaro Commissioner Nyathi.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×