‘Baba vanotiendesa kumakuva husiku’

Zvino ini handichazvida: Mwana

VAMWE baba vakazofumurwa mudare redzimhosva apo vakanzi kubvira vana vavo vachikura, vaienda navo kumakuva vachinoita chivanhu ikoko pakati pehusiku. Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Fanwell Mutsveru akamhan’arira mwanakomana wake Simbarashe Mutsveru achida kupihwa mvumo yekumudzinga pamba sezvo achiti mwana uyu imbavha yemakoko.

“Mambo wangu, ndibatsireiwo ndatambura. Mwana wangu uyu anoba zvisingaite. Akandibira mari inosvika $5 000, mapeya mana eshangu nemasutu echirume matanhatu. Handina kumumhan’arira nekuti ndaimunzwira tsitsi semwana,” akadaro Fanwell.

Akati chaanoda chete ndechekuti Simbarashe abve pamba pake.

“Paari ipapa haawirirane nehanzvadzi nemadzikoma ake nekuti . anoti vanoda kumuuraya,” akadaro Fanwell.

Simbarashe akapikisana nemashoko ababa vake achiti vari kutsvaga nzira yekumudzinga nayo pamba nekuti akaramba mabasa avaida ekushandisa mishonga yekushereketa kumakuva.

“Baba vangu ava vanoita zvechivanhu, izvo zvavakabvira kare tichiri vana. Tichikura, vaitiendesa kumakuva pakati pehusiku vachiti tinofanira kunoimba nezvimwe zvataisanzwisisa zvavaitiitisa ikoko.

“Pari zvino takura, tave kuramba kuzviita. Ini nemumwe mukoma wangu anoshanda akatobva pamba achinogara kwake ega nekuda kwenyaya iyoyi. Zvino ini ndini ndasara pamba nekuti handishande, vave kuda kundidzinga senzira yekuti nditye kuti ndikasaita zvavanoda ndinozoshaya kwekugara,” akadaro Simbarashe.

Akati haakwanise kunogara kudzimba dzehama dzavo nekuti hadzidi kuona vanhu vemumhuri mavo sezvo vanenge vachiti baba vavo vakaromba mishonga yakaipa.

“Vamwe sisi vangu vavari kuti handidi kuona inyaya yekuti vanoti pose pavauyira kumba vanopfungaidza mushonga muimba yangu yekurara zvinova zvinondityisa. Ngavandidzinge zvavo baba ndinoona zvekuita. Handibi ini asi kuti handidi zvechivanhu zvavo zvavanoda kutiitisa,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akarasa chikumbiro chaFanwell achiti akange achiunza kudare risiriro sezvo achifanira kuenda kune rinoona nezvekudzingwa kwevanhu pamba.

 

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×