Baba varova, vakakuvadza mwana ane mwedzi 2

Ray Bande

MURUME wekuChecheche kuChipinge akasungwa nemhosva yekurova zvakaipisisa mwana wake ane mwedzi miviri yekuberekwa nebhandi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Murume uyu, uyo asati azivikanwa zita rake, anogara mubhuku riri pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeChecheche Growth Point.

Mwana uyu akakuvara zvakanyanya mushure mekurohwa uku uye akaendeswa kuchipatara cheSt Peter’s Hospital kunorapwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×