‘Baba vaye vatanga . . .’

Nyasha Bvudzijena

MURUME samusha wekuDomboshava uyo ane barika revakadzi anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake mukuru uyo ane shanje dzinobvira moto zvekuti pose paanoda kuenda kumba kwanyachide, anoshevedzera kuvavakidzani achiti, “Batai baba avo” izvo zvava kumudzikisira chimiro.

Noise Chikoto akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira mudzimai wake Rumbidzai Katiyo achiti anomushungurudza.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chikoto gwaro rinomuchengetedza.

“Mambo, ndashungurudzika zvikuru nekuda kwaamai ava kunyangwe tiine musha wedu watakavaka kwaMandaza.Ndava kurohwa nekudzingwa pamba, zvose izvi zvichibvira panyaya yekuti ndava nemumwe mukadzi.

“Ndikangoti ndava kunoona mwana, anobuda panze otanga kushevedzera kuti batai baba avo sekunge ndiri kutiza pamba,” anodaro Chikoto.

Anoti anoda kuti dare rimubatsire kuti Katiyo asamurambidze kuenda kumudzimai wake wechipiri uyo waaine mwana naye.

Katiyo anoti Chikoto ari kuudza dare manyepo.

“Baba ava handivarove asi kuti nyaya iri kunetsa ndeyekuti vava nemumwe mukadzi saka vava kupota vachitengesa midziyo yatakatenga tese vachipa mudzimai uyu mari. Ndikada kumubvunza anonditi baba havabvunzwe saka ndinozopedzera shungu mukupopota,” anodaro Katiyo.

Anoti haadi kuti Chikoto aite barika kunyangwe zvazvo vakaroorana pachivanhu uye vasina muchato.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *