Baker’s Inn yovandudza mashandiro

KAMBANI inobika chingwa nezvimwe zvinosanganisira makeke, yeBaker’s Inn, iri kuvandudza mashandiro ayo senzira yekuti igutse veruzhinji panguva iyo iri kubika marofu echingwa anosvika 500 000 pazuva.Pamusoro peizvi, kambani iyi yakatanga chirongwa cheBaker’s Inn Buy & Win Promotion icho chichahwinisa vatengi vechingwa nemapayi mibairo mikuru yemotokari nemimwe yakaita semafiriji kumatunhu ose enyika.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi muHarare svondo rapera, chamangwiza weBaker’s Inn, VaNgoni Mazango, vanoti vakazarura mumwe muzinda uri kugadzira marofu 100 000 pazuva izvo zviri kuita kuti vange vachitengesa chingwa chiri pakati pe450 000 ne500 000 pazuva. “Tiri kuda kuwedzera huwandu hwechingwa chatinobika kubva pa500 000 kuenda pa600 000. Pamakwikwi aya, vanhu vachahwinha motokari dzerudzi rweVolks Wagen Polo kureva kuti tiri kuenda mberi kubva pamaHonda Fit atakahwinisa vatengi gore rapera,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaSalim Eceolaza, avo vanova mumwe wevakavamba Baker’s Inn, vanoti kambani yavo inoshanda neveruzhinji nokudaro inoda kudzorera kwavari senzira yekuvatenda. “Tiri kambani inobika chingwa nemapayi emhando yepamusoro, tiine donzvo rekugutsa uye kufadza vatengi vedu. Tine hurongwa hwekuhwinisa vatengi vechingwa chedu motokari, materevhizheni, mafiriji, masolar geysers, girosari nehumwe hungwanda-ngwanda.

“Vatengi vedu tinovatenda nekuti vakasimudzira misika yedu nechikamu che14% kubvira mumwedzi waChikumi 2015 uye tiri kutarisira kuwedzera chikamu ichi kuti chisvike pa55%,” vanodaro VaEceolaza.

Vanoti kana vachinge vasvika pachikamu ichi, vanotarisira zvakare kuti misika yavo inge ichipinda mune dzimwe nyika dzakaita seMozambique, Zambia, Botswana neNigeria.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *