Balotelli, Benteke vonzi vari kudhura

MUKANA wechikwata cheLiverpool wekutengesa Mario Balotelli naChristian Benteke kuBesiktas unenge uri kupera zvishoma nezvishoma.

Chikwata chekuTurkey ichi chiri kutsvaga mutambi mutsva wekumberi uye change chichinzi chiri kuda vatambi veReds vaviri ava, avo vanonzi havasi kudiwa muchikwata chaJurgen Klopp mwaka uno.

Asi sachigaro wechikwata ichi, Fikret Orman, anoti havana chinangwa chekutenga vaviri ava nokuti hunhu hwaBalotelli pamwe nekudhuriswa kuri kuitwa Benteke ndizvo zviri kuvamisa kuvatenga.

“Benteke mutambi anogona wepamusoro uyo watinoda kuona achiuya kuzotambira Besiktas, asi ari kudirwa mari yakawandisa, hazvitarisike sekunge zvichaitika,” akaudza vatori venhau.

“Balotelli mutambi wepamusoro asi ane kutambudzika muhupenyu hwake. Ane chimiro chisina kunaka.

“Tiri kuda vatambi vamwe. Tingade vamwe vatambi vechikwereti.”

Benteke akazvipira kubva kuLiverpool nechikwereti kuti akwanise kunotamba nhabvu kune chimwe chikwata.

Liverpool, iyo yakaramba £25m yakabva kuCrystal Palace yaida kutenga Benteke, inoti Benteke haazotengeswi nemari iri pasi pe£30m.

Pakashaya chikwata chingade kuburitsa mari iyi haaendi, Klopp anoti mutambi uyu acharamba ari kuLiverpool.

Klopp uyo aida kumbotenga Benteke achiri kuBorussia Dortmund mugore ra2013, ane hukama hwakanaka nemutambi uyu uye anoti anofarira matambiro aanoita apo vanenge vachiita gadziriro dzavo, kunyangwe hazvo ange asiri kumutambisa.

Asi, iye anoda kubva kuti akwanise kutamba nhabvu uye mutambi uyu akazvipira kuti ambobva nechikwereti kuAnfield kana achienda kunotamba kumwe. Palace iri kuda chaizvo mutambi uyu, kozoti West Ham iri kuongorora zviri kuitika kwaari. — Daily Mail Football.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *