MAONERO EDU: Mauto eZDF chidadiso

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mumhemberero dzeHeroes Day dzekurangarira magamba akarwira rusununguko rwenyika pamwe nezuva remauto, reDefence Forces Day.

Mazuva maviri aya akakosha zvikuru nekuti inguva yekudzora ndangariro nekuda kwebasa guru rakaitwa nevakarwira nyika ino kuibvisa ruzhinji rwevatema pasi pehutongi hwevadzvanyiriri, mabhunu.

Zvakadaro, mauto eZDF nhasi uno ari kubata mabasa makuru munyika kunze kwekudzivirira zvizvarwa zveZimbabwe kubva kuvavengi.

Semuenzaniso, svondo rino tine imwe nyaya yechimbuzi chevana veECD chakavakwa nemauto ePresidential Guard pachikoro cheFundo Primary School, kuDzivarasekwa, muguta reHarare.

Basa rakadai rinokudzwa zvikuru nekuti rinosimudzira budiriro yenyika.

Kunze kweizvi, mauto eZDF ari kushanda nesimba mune dzimwe nyaya dzebudiriro munyika dzakaita sekubatsira mukuvakwa kwezvikoro, makiriniki nezvimwe zvakasiyana.

Mumwaka yeZhizha, mauto eZDF anobatsirazve kununura vanhu vakange vawirwa nedambudziko remafashamu emvura kunzvimbo dzakaderera dzinosanganisira Muzarabani neTsholotsho.

Upenyu hwevamwe vagari vemunzvimbo idzi hunenge hwave panjodzi sezvo vanenge vakomberedza nemafashamu emvura voshaya kwekutizira asi vachizobatsirwa nemauto emuchadenga eAir Force of Zimbabwe.

Mauto eZDF zvakare anobatsira muzvipatara nemakiriniki panguva yamunenge musina vashandi vakakwana, zvikuru panoramwa mabasa nevangave machiremba kana vakoti nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Izvi zvinoratidza kuti mauto, kunze kwekuchengetedza nyika kubva kumuvengi, aripowo pakukoshesa utano hweveruzhinji zvakare nekuona kuti vawana rubatsiro rwakakodzera panguva iyo upenyu hwavo hunenge hwave panjodzi.

Kunze kwazvo, mauto ari kubatsira zvakare mukuona kuti zvekudya zviri kupihwa neHurumende kune veruzhinji zvaendeswa kumatunhu akasiyana enyika uko kune kushomeka kwechikafu nekuda kwemvura isina kunaya zvakanaka mwaka wapera.

Mabasa ose aya anoita kuti veruzhinji vadade nemauto avo eZDF.

Kushanda kunoita mauto aya zvakare munyaya dzebudiriro munharaunda dzakasiyana kunoita kuti pave nehumwepo pakati pawo neveruzhinji.

Tine idi rekuti mauto eZDF acharamba achienderera mberi nemabasa ebudiriro aya munyika, zvikuru panguva ino apo Hurumende iri kushingaira kuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nechirongwa cheZim-Asset.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vabatane nemauto mukusimudzira nharaunda dzavo.

Tinodaro nekuti kubatana kune simba uye gavi rakasungwa rutatu haridambuke nhando.

Tinorumbidza zvikuru mauto eZDF nemabasa aari kuita mukusimudzira budiriro yeZimbabwe.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *