Pakuvhurwa kwezvikoro mari ngaiwanike – Vana

VANA vechikoro pamwe chete nevabereki vari kuchema-chema kuti kudai nyaya yekunetsa kwemari yagadziriswa nekuchimbidza kuitira kuti panozovhurwa zvikoro pasave nedambudziko rekumira mumitsetse kwenguva refu kumabhanga.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevamwe vana nevabereki muguta reHarare zvichitevera kuvharwa kwezvikoro avo vanoti dambudziko rekunetsa kwemari rinofanira kugadziriswa nechimbi-chimbi kuitira kuti risazokanganisa gadziriro dzekudzokera kuzvikoro temu inouya.

Tapiwa Moyo (17) uyo ari kuita Form 4 paDevure High, kuMasvingo, anoti anofara zvikuru kuenda kuzororo sezvo uri iwo mukana wekuti ange achinoonana nehama neshamwari.

“Kana tiri kubhodhingi hama dzedu anenge ari maticha nevamwe vadzidzi. Saka pose patinodzokera kumba panguva yezororo tinofara kunogarawo tiri mumawoko evabereki tichipangwa mazano.

“Tiri kungochema nenyaya yekunetsa kwemari, kuti kudai yaregedza kutibata patinodzokera kuchikoro kunge zvakaitika temu yapera apo takanonoka kudzokera nekuti vabereki vakange vari mushishi kutsvaga mari dzechikoro nedzegirosari,” anodaro.

Susan Karishi (16) anodzidza pachikoro chimwe chete ichi anoti zvisinei nekuti Hurumende iri kukurudzira vanhu kuti vashandise makadhi ekubhanga (plastic money), handi pose painokodzera kuti izvi zviitike.

“Hongu, vabereki vanogona kuita matransfer emari yechikoro kana kutenga girosari vachishandisa makadhi. Asika, pamwe pacho mari inenge ichidiwa iri musvo.

“Senge mumabhazi atinokwira tichidzokera kuchikoro, vanotoda mari yavo uye zvimwe zvitoro nematakishopu zvatinowanza kutenga tiri kuchikoro hazvina nzira dzekuti titenge nemakadhi,” anodaro.

Mai Tatenda Phiri (35) vekuZengeza 4, kuChitungwiza, avo vakange vakamirira mwana wavo pachiteshi ichi vanoti dambudziko remari rinoda kugadziriswa nekukasika.

“Kunetsa kwemari kumabhanga kunokanganisa dzidzo nekuti kana isu vabereki tikatora nguva refu tiri mumitsetse yemumabhanga, senge ipapa pachazarurwa zvikoro mwedzi unenge uchangobva kupera, kureva kuti ichange iri batai-batai. Tinoona vamwe vana vachinonoka kudzokera kuzvikoro.

“Kudai nyaya yemari yagadziriswa nenguva nekuti kana iwo maticha angaenda kunofundisa vana sei ivo vachiswera mumitsetse yemabhanga?” vanodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×