Balotelli munyepi: Carragher

SHASHA yekuongorora nhabvu paSky Sport News, Jamie Carragher, anoti Mario Balotelli akanyepera varairidzi vemutambo uyu vakawanda zvekusvika pakufunga kuti mutambi wemhando yepamusoro-soro.

Mutambi uyu ave pedyo kudzokera kuAC Milan uko achanotamba nechikwereti mushure mekupedza gore ari kuLiverpool abva kuchikwata chekuItaly ichi.

Balotelli akakwanisa kunwisa kamwe chete mumitambo 16 yeligi achitambira Liverpool mwaka wadarika uye Carragher anoti kutengwa kwake kwakakanganiswa zvikuru nemunhu wose kuLiverpool.

“Kutengwa kwaBalotelli kwakakanganiswa zvikuru nechikwata chose, kwete naBrandan Rodgers ega asi netransfer committee zvekare iyo yakamutenga,” Carragher akadaro mushure mekunge Liverpool yaita mangange 0-0 neArsenal musi weMonday Night Football.

“Akakurumidzirwa kutengeswa zvinenge zvakanakisa chose. Zvichiri kundinetsa kunzwisisa kuti vakamutenga. Zvake zvaramba kubudirira saka ngaachienda.

“Ari kunyepera vamwe varairidzi kana akaenda kuAC Milan.” — Sky Sports News.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *