‘Batsirai musikana anoba nenjuzu’

VABEREKI vemusikana wechidiki wekwaMurambinda, kuBuhera, uyo anonzi akareurura kuti anoba achishandisa shave renjuzu uye anoitwa mukadzi neimwe yenjuzu kurwizi rweko, vari kukumbira kuruzhinji rkuti vabatsirwe padambudziko rine mwana wavo iri.

Rosyline Chakanyuka (19) wemubhuku raGosho, kwaShe Makumbe, akambosungwa nemapurisa ekwaMurambinda nguva yadarika achipomerwa mhosva yekubira vamwe vagari venzvimbo iyi apo akazobuda pachena kuti anoshandiswa nenjuzu.

Anonzi akati nguva zhinji paanoita zvekuba, anenge asingazive, akaputirwa nechadzimira.

Amai vaRosyline, Mai Tecla Chashaya, vanoti vari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji vanogona kubatsira padambudziko rine mwana wavo.

“Ndinoda kuti mwana wangu abatsirwe agoitawo zvakanaka, hakuna mubereki anombofa akagara zvakanaka kana mwana wake achirwara. Saka ndinoti kune vanoda kundibatsira, zvikuru pachena, ngavandiridzire nhare panhamba dzinoti 0773 928 860,” vakadaro.

Rosyline, uyo anonzi “imhenya” pachiso uye achichena zvikuru, anonzi akabuda pachena kuti varume vose vaanodanana navo haashinhe navo asi kuti vakangomupa mari anobva avanzvenga achishandisa mashave enjuzu.

Mari yaanenge apihwa anonzi anonotenga mbatya dzakanaka nezvekudya.

Zvakadaro, mumwe musikana aive neshave renjuzu wemuHarare, Charity Makurumidze (30), anoti akazobatsirwa kune imwe chechi kuti shave iri ribve iro raiita kuti atorere vanhurume mari.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *