Barcelona yotenga Martial

BARCELONA iri kugadzirira mari inosvika 60 miriyoni paunzi yekutenga mutambi weManchester United, Anthony Martial.

Martial zvinonzi haasi kufara kuOld Trafford uye hurukuro dzekuwedzera imwe kondirakiti yake hadzisi kufamba nekuda kwekushaya mikana yekutamba yakawanda muchikwata chaJose Mourinho. Kondirakiti yake yaanayo parizvino ichapera mugore ra2019, asi ine chimwe chibvumirano chekuti inogona kuwedzerwa rimwe gore pamusoro.

Kubva Alexis Sanchez auya kuchikwata ichi muna Ndira, Martial haasati ambonwisa, angotamba mitambo mina chete inosanganisira uyo vakakundwa neTootenham pamwe neNewcastle uye akazoburitswa angotamba maminitsi 64 chete apo vakasangana neChelsea. Martial anonzi haana kufara paakaudzwa kuti ave kuchinja nzvimbo yekutambira zvichitevera kuuya kwakaita Senchez kuchikwata ichi.

Barcelona yaida kutenga Martial mwaka uno  ndokuzosarudza kutenga Ousmane Dembele kubva kuBorrusia Dortmund, asi inogona kuzodzokera mutambi uyu panopera mwaka uno.

Barcelona ine chivimbo chekuti inogona kutenga mutambi weFrance – Antoine Griezmann – kubva kuAtletci Madrid uye inonzi iri kuongorora Ryan Sessgnon weFulham. – SportsMail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *