Kurambirwa kunaka: ‘Ishavi renjuzu’

Kingstone Mapupu
MUTEVEDZERI wemukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, Mbuya Joyce Nhamburo (42), vanoti mudzimai wekuGokwe uyo anonzi akarambwa nemurume wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso anogona kunge aine shavi renjuzu.

“Ini ndine shavi renjuzu, chandinoziva ndechekuti shavi iri haridi kuti murume aite gumbo mumba gumbo kunze kana iye mukadzi kupoya mumba. Zvikangodaro chete vaviri ava vanobva vasemana zvekutorambana, kana bonde panenge pasisina uyewo njuzu haidi kuti mumba muitwe mhirizhonga,” vanodaro.

Vanoti panyaya iyi panoda kutariswa kuti iyewo murume wacho ane mashavi api muchivanhu chake.

“Mudzimai ane shavi renjuzu pakunoroorwa unotokumbirirwa kushavi iri roziva, zvimwe chetewo nekuti uite nhumbu nekuita vana, shavi iri rinofanirwa kukumbirwa – kwotoitwa mabiko ekurizivisa. Pasina izvozvo hauite mwana muupenyu hwako,” vanodaro.

Mbuya Nhamburo vanoti kune mamwe madzimai ane mashavi edona ayo anosema varume zvinoita kuti vafunge kuti mumba havasi kudiwa nemadzimai avo.

“Zvinoguma zvoita sekunge unodadirwa. Izvi zvinogona kunge zviri izvo zvakaitika munyaya iyi uyewo madzimai mazhinji akanaka anoteverwa nemashavi enjuzu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×