Basa radzika: Vavezi

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery, mumugwagwa weAirport Road, muHarare, dzinoti basa ravo rakadzikira zvikuru kuburikidza nekushaya vanovatenga zvivezwa zvavo.Sachigaro wechikwata chevavezi ava, VaWellington Chingondi (40), vanoti vari kushaya vanotenga matombo avo izvo zvakonzera kuti vatsvage mamwe mabasa ekuita.

“Basa redu iri raizivikanwa richibhadhara zvikuru kare, asi zvasiyana nemazuva ano. Senguva yekupera kwegore nekutanga kwaro saizvozvi, taisitengerwa zvikuru izvo zvakazongosanduka,” vanodaro.

Vanoti basa ravo rinofambirana nekuuya kwevashanyi munyika.

“Chikumbiro chedu kuHurumende nebazi rinotimirira kuti ritibatsire uye veZimbabwe Tourism Authorty (ZTA) kuti vapote vachiunzawo vashanyi kunzvimbo dzinovezerwa,” vanodaro.

Vanoti vamwe vavo vave kupota vachinotsvaga mamwe mabasa ekuita apo vanozodzoka kuzoveza kuitira kuti mhuri dzavo dzirarame.

VaRobert Chikumbo (38) mumwe wevavezi panzvimbo iyi vanotsinhira vachiti kutengwa kwezvivezwa zvavo kwadzikira zvikuru kana vachienzanisa nemakore adarika. “Tine vavezi vematombo vakabudirira kuburikidza nekutengwa kwepamusoro kwaiitwa zvivezwa zvavo, zvino hapana chichiri kufamba saka tinokumbirawo kubatsirwa,” vanodaro.

Vanoti kusiyana nemakore ose, pazororo reKirisimasi rino havana kumbobvira vakatengerwa.

“Mumakore adarika aya kubva mumwedzi waGumiguru kunosvika munaNdira taiziva kuti inguva yemari. Tinoda kusanganiswa nevanhu vari kunze kwenyika vanoita kuti matombo edu tikwanise kuatengesa ikoko,” vanodaro.

VaPhillip Mulima (40) vanovezawo matombo vanoti zvave kuvaremera kuramba vachinotenga matombo ekuvezesa apo zvivezwa zvavo zvisingatengwi.

“Tinoenda kuMvurwi, kuChiweshe, Guruve nekumwe uko tinonotenga matombo ekuvezesa aya nemari inodhura. Zvakadaro, tinozohaya marori ekutakurisa nemari zhinji.

“Tazopedza kuveza tinokwanisa kugara makore chaiwo zvinhu zvedu zvisina kutengwa,” vanodaro.

Vanoti vemarori kutakura matani matatu ematombo vanochaja mari iri pakati pe$300 kusvika $400 kuchitiwo vanokwidza vanodawo yavo. Pakutenga vanoti tani imwe chete inobvira pa$100 zvichisvikawo ku$200.

Vavezi ava vanoti vanokoka kunyange vemakambani nezvikoro nevanhu vakazvimirira kupota vachivashanyira.

“Kune vechidiki vane chishuwo chekudzidza kuveza tinoti ngavauye tivabatsire nekuti isu kukura uko taita, dzimwe nguva rimwe gore vanowana pekurarama vari,” vanodaro VaChingondi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *