Theseus Mauruki Shambare
MABASA ekupfuyiwa kwehove dzemhando yemiramba akasimukira kakapetwa kaviri muZimbabwe mumwaka wa2024/2025, panguva iyo Hurumende nemapoka akazvimirira vari mushishi kutsigira mabhindauko aya nechinangwa chokuti munyika muve nechikafu chinovaka muviri.
Fisheries and Aquaculture Resources Production Department Annual Report inotaridza kuti kupfuyiwa kwemiramba kwakawedzera nechikamu che139,57 percent, kubva pamatani 713,83 mumwaka wa2023/2024 kusvika pamatani 1 710,07 mumwaka wa2024/2025.
Budiriro iyi yakabatsirawo zvakanyanya mukusimukira kwechikamu chezvekurima muZimbabwe, izvo zvakaita kuti chiwedzere nechikamu che64,68 percent panguva imwe chete iyi.
Director wechikamu cheLivestock and Fisheries Production, VaMilton Makumbe, vanoti budiriro huru iyi iri kubva mukutsigirwa kwakasimba kwemabhindauko aya zvichibatana nemhando yakanaka yembeu yemiramba uye kupfuyiwa hwehove dzinoenderana nemamiriro ekunze emunyika.
“Kupfuyiwa kwemiramba kwakasimukira zvakanyanya nechikamu che139,57 percent kubva pamatani 713,83 mumwaka wa2023/2024 kuenda pamatani 1 710,07 mumwaka wa2024/2025. Budiriro huru iyi mucherechedzo wekutambirwa kuri kuitwa kupfuya miramba nokuda kwokuti hainetsi; inokura nekukasika uye ichijairirana nyore nemamiriro enzvimbo dzakasiyana-siyana,” vanodaro VaMakumbe.
Vanoti izvi zviri kubatsira pakuchengetedzwa kwedzimwe mhando dzehove uye panguva imwe chete zvichiita kuti pave nechikafu chinowanisa mapuroteni kune voruzhinji.
“Budiriro inofadza iyi mucherechedzo werutsigiro rweHurumende kuzvirongwa zvakadai ichishanda pamwe chete nemapoka akazvimirira uye kusimudzirwa kwenzira dzekupfuya hove. Kupfuyiwa hwehove kuri kuramba kuchibatsira mukuwanikwa kwechikafu chinovaka muviri, kuwaniswa kwemabasa uye mari kunharaunda dzinoita zvekurima,” vanodaro.
Sachigaro weZimbabwe Fish Producers Association, VaGarikai Munatsirei, vanoti kubudirira kuri kuita kupfuyiwa kwemiramba mucherechedzo wokuti varimi vave kuvimba nemhando yehove idzi uye vachitora basa iri sebhizimusi.
Zvisinei, vanokurudzira kuti pave nerutsigiro rukuru panyaya yekuchengetwa kwehove mushure mokunge dzakohwewa nechinangwa chokuti mabasa evarimi ave anoendeka.
“Apo kupfuyiwa kwehove kuri kusimukira, zvakakosha kuti pasimbaradzwe mamwe mabasa ose anodyidzana kuitira kuti pave nehoche-koche, kunyanya mushure mekukohwa pamwe chete nekuchengetwa kwehove idzi. Izvi zvinoita kuti varimi vakwanise kuwana misika yakanaka uye kuvandudza ukoshi hwehove dzavo,” vanodaro VaMunatsirei.
Sachigaro weAfrican Women Fish Processors and Traders Network Zimbabwe, Muzvare Tendai Rugare, vanoti vari kutsigira kupfuyiwa kwemiramba nokuti ine mikana mikuru yekusimudzira nharaunda nokuda kwokuti haikanganiswi zvakanyanya nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.
“Tiri kukurudzira varimi vakawanda, kunyanya vanhukadzi, kuti vatange kupfuya miramba nokuti imhando yehove dzisinganetsi kuchengeta zvichitevera kushanduka kuri kuita mamiriro okunze,” vanodaro Muzvare Rugare.
“Apo kushanduka kwemamiriro okunze kuri kukanganisa kuchengetwa kwemhando dzehove dzagara dzichipfuyiwa kubva kare, miramba inopa mikana yekusimbaradza kuwanikwa kwechikafu mumhuri pamwe chete nekusimudzira nharaunda.”
Gwaro iri rinocherechedzawo kuti Hurumende iri kubatsira zvakanyanya nekutsigira kwairi kuita kupfuyiwa kwehove pasi pePresidential Community Fisheries Scheme.




