Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weDema Phase 3, kwaSeke inoti iri kutsvaga rubatsiro rwemwana wemakore maviri okuberekwa uyo akazvimba musoro nekuda kwechirwere chegomarara.
Mwana uyu, Kupakwashe Nyemba, atambura nekuda kwechirwere ichi icho chinonzi chakonzerawo kuti asaone zvakanaka.
Mhuri yakatarisana nedambudziko rehurwere hwemwana mukomana uyu inogara panhamba 1388 Phase 3, Dema, kwaSeke.
Mwana uyu anogara naamai vake, Keesha Makanaka Chatora (21), pamwechete naambuya vacho amai vaamai, Precious Kadungure (41), avo vanova shirikadzi.
Mai Kadungure vanoti vatambura nekuda kwehurwere hwemwana uyu uho hwakatanga achangoberekwa.
“Anorwara uyu muzukuru wangu mwana wemwanasikana. Akaberekwa ndokubva angotanga dambudziko remaziso, pakabva paonekwa nemachiremba kuti aiva nechirwere chegomarara. Tinoenda naye kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko machiremba vanoti gomarara iri rakapararira kusvika mumusoro,” vanodaro Mai Kadungure.
Vanoti mwana uyu akaongororwa kaviri kuchipatara ichi uye vakataurirwa kuti gomarara iri raiva rapararira nemusoro wese.
“Mari yapera nekuenda kuchipatara tichirapisa muzukuru wangu uyu. Paakagara kuchipatara cheParirenyatwa, kwakasara chikwereti cheUS$210 iyo iri kudiwa uyewo kune zvakawanda zviri kuda mari pane kumwe kuongororwa kwaanoda kuitwa. Machiremba vari kuramba vachitaura kuti tidzoke sezvo vamwe vachipa zano rekuti anofanirwa kuenda kunovhiiwa kuIndia,” vanodaro Mai Kadungure.
“Ndapererwa zvangu nekuda kwedambudziko rekurwara kwemuzukuru wangu nekudaro ndaisa chichemo kunyika kuti ndibatsirwewo nevane tsiyo nyoro, kune vanogona kundibatsira vanondibata panhamba dzinoti 0782 420 660.”
Amai vemwana uyu, Chatora, anoti havasisina nezano rekuita nekuda kwehurwere uhu.
“Hatina pekutangira nekuda kwehurwere hwemwana wangu nekuti mari iri kudiwa kuti arapwe yakawanda, kana paine vanozvikwanisa muno chikumbiro chedu kuti mwana agone kurapwa. Pane mazano ekuti agoendeswa kuIndia saka kana kuine vane tsiyo nyoro taikumbirawo kuti vatibatsire,” anodaro.




