Makororo matatu asungwa aba mombe 95

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kwaMubaira kuMhondoro, kuMashonaland West vakasunga makororo matatu nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuba mombe 95 kudunhu iri.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti vakasungwa munyaya yekuba mombe iyi ndiShadreck ‘Dhewa’ Chivambe (39) wemumusha waSabhuku Makuvire, Cosmas Dube (21) wekwaSabhuku Munemo naTanaka Chimhute (19) wekwaSabhuku

Munemo vose vanobva mudunhu raMambo Mashayamombe.

“Tine makororo matatu akasungwa nemapurisa pakamba yeMubaira ZRP kuMhondoro nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuba mombe 95. Vanhu ava vanosanganisira Shadreck Chivambe (39) ane zita remadunhurirwa rekuti Dhewa, Cosmas Dube (21) naTanaka Chimhute (19) vose vekwaMashayamombe,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti makororo aya anonzi aiba mombe kuMhondoro achishanda nevamwe vasati vabatwa.

Mombe dzakabiwa nemakororo

Mombe idzi dzinonzi dzaiendeswa kunochengetwa kudanga rekumba kwaChivambe uye pane dzimwe dzinofungidzirwa kuti dzakatotengeswa nekuuraiwa.

“Chikwata chenyanzvi dzedu dzemapurisa eZRP Mubaira chaitungamirirwa naInspector James Masadza, chakanzwa runyerekupe rwekubiwa kwemombe ndokuronda makororo aya nemusi wa27 Chikumi gore rino ra2026 ndokunowana mombe idzi kumba kwaShadreck Chivambe,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti mapurisa akazoronda zvakare makororo aya ayo akanosungirwa kuWaterfalls, muHarare kwavaiva vakavanda.

“Mombe dzose idzi dziri pakamba yeZRP Mubaira apo dzakachengetwa, kuchikurudzirwa vanhu vakashaya mombe dzavo kuti vaende vanotarisa idzi. Mombe dzinokwana makumi mana dzakatowanikwa nevaridzi vadzo uyewo 55 dzakamirira kuwana varidzi. Nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa,” vanodaro Insp Kohwera.

Kune vanoda kuziva zvakawanda nekuda kwenyaya iyi, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzaOfficer In-Charge ZRP Mubaira Inspector Damburai dzinoti 0779 502 340 kana dzaMember In-Charge Crime Assistant Inspector James Masadza dzinoti 0774 870 322.

“Ikurudziro yedu nguva dzose kuti varimi vachengetedze zvipfuyo zvavo, kusanganisira mombe vodzivharira mumatanga munguva dzeusiku nekudzitora kubva kumafuro kunyangwe munguva ino yechirimo. Tinokurudzirawo varimi kuisa rupawo pamombe dzavo, yatinoti michiso iya

uyewo nekuti vakurumidze kuzivisa mapurisa kana vashaya mombe,” vanodaro Insp Kohwera.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *