Tadious Manyepo
MUKURU weCAPS United Farai Jere anoti kuuya kwemubati wepagedhi wechikwata chemaWarriors, Washington Arubi, kuMakepekepe idanho rakatorwa apo mutambo weAfrica Cup of Nations waive usati watambwa kuMorocco muna Zvita gore rapera.
Nomusi weMuvhuro svondo rino, Arubi akanyorerana pasi kondirakiti yemakore maviri neCAPS United senzira yekuona kuti pagedhi rechikwata ichi pakasungwa neutare apo chiri kurwira mukombe weCastle Premier Soccer League mwaka uno.
Shasha yepagedhi iyi iri kutsiva Wallace Magalane, uyo asiri kutamba bhora zviri kufadza CAPS United. Aita mhosho dzine chitsama, idzo dzakonzera kuti chikwata ichi chibve pamusoro pelog.
Makepekepe pari zvino yakasiiwa nemapoinzi mapfumbamwe neScottland FC, iyo iri pamusoro pelog.
Arubi ari kutarisirwa kuunza unyanzvi hwake kuCAPS United, uhwo akawana kubvira paaitambira Lancashire kumakore ekuma2000 uye nemakore 13 ayo akapedza achitambira zvikwata zvepamusoro zvekuSouth Africa.
“Kuuya kwaArubi kwange kwakatarisirwa kwenguva refu. Takapedza nezvazvo fainari yeAFCON isati yatambwa kuMorocco,” anodaro Jere.
“Ange akamirira isu kuti titore danho iri nokuti ndine mashoko munharembozha yangu apo akatumira achiti aida kudzoka kumusha kubva kuSouth Africa uye ouya kuCAPS United,” anodaro.
Jere anoenderera mberi achiti: “Tiri pano kuhwinha mukombe, nokudaro kuuya kwaArubi idanho guru raitwa neCAPS United mukuunza nyemwerero kumamiriyoni nemamiriyoni evatsigiri veCAPS United kunze uko.”
Anoti CAPS United haina kufadzwa zvachose nezvakaitwa naMagalane nomusi weSvondo wadarika apo akaramba kudzoka mumutambo mushure mokunge abatsira Triangle United kuti itungamirire 2-1 muchikamu chokutanga, izvo zvakarwadzisa zvakanyanya vatsigiri veMakepekepe.
“Ticharamba tichipa Magalane mari yake yepeyi, asi zvaakaita nomusi weSvondo hazvigamuchirwi zvachose.
“Mushure mekuita mhosho iyi, akaramba kudzoka mumutambo muchikamu chechipiri kunyangwe apo murairidzi
(Takesure Chiragwi) nevamwe vatambi vakange vataura naye akaita seabvuma. Murairidzi akapedzisira atora mutambi ainge akakuvara (Stephen Kwaku) nokuti Magalane akange aramba,” anodaro Jere.
Nerimwe divi, kuenda kwaArubi kuCAPS United kwaita kuti abve anyora nhoroondo yekuva mubati wepagedhi wokutanga kutambira zvikwata zvose zvepamusoro zvinoti Highlanders, Dynamos neMakepekepe.
Arubi akatambira Highlanders neDynamos, ndokuhwinha mubairo weSoccer Star of the Year neDeMbare mugore ra2011, asati aenda kuSouth Africa muna 2013.
“Ndinonzwa manyukunyuku uye ndagadzirira kubata basa rakandimirira,” anodaro Arubi.
“Ndinofara nekuuya kuCAPS United, uye kuzadzikiswa kwechiroto changu. Takataura nezvazvo napresident, Farai Jere, nguva yakadarika uye nhasi ndiri kufara.”




