Munyori weKwayedza
SANGANO rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reZimbabwe Women’s Lawyers Association (ZWLA), rinoti munhu akapa pamuviri kasikana kane makore 15 okuberekwa kekuDomboshava anofanirwa kusungwa, oendeswa kumatare edzimhosva. Izvi zvinotevera nyaya yemusikana anonzi akapihwa pamuviri nechikomba chaamai vake, vamwewo vachiti inhumbu yasekuru hanzvadzi yaamai vake.
Tariro Tandi, uyo anove transformative justice manager kuZWLA, anoti nyaya iyi inofanirwa kunge yakasvitswa kumapurisa yoongororwa zvizere kuti muridzi wenhumbu iyi ndiani, mutemo woita basa rawo.
“Mwana uyu mudiki zvikuru, haana sarudzo yaanogona kuita oga. Panyaya yekuti anoti akapihwa pamuviri apa nasekuru vake vane makore 16 vachiita zvekumumanikidza, nyaya iyi yaifanirwa kuvhurirwa dhoketi, yoenda kudare ichitorwa sechibharo, mukomana uyu opihwa chirango chake kana ari iye akapara mhosva. Kana airohwa dziya dzatinoti katsi orohwa nekuti majeri evadiki ariko,” anodaro Tandi.
Anoti mwana ane makore 15 okuberekwa haagone kunzi angaita sarudzo yekuti anoda kushereketa pabonde nemunhurume.
“Panogona kunge paine zviri kuvanzwa munyaya iyi. Zvinoda kuti mapurisa vaongorore nyaya iyi zvizere,” anodaro Tandi.
Zvichakadai, baba vemwana uyu, avo vainge vamboita hurukuro neKwayedza nemusi weMuvhuro wadarika, vakazochaira mutori wenhau nhare vava kudya marasha uye vava kutaura nepamwe nemusi weChitatu mangwanani.
“Musaenderere mberi nenyaya iyoyo. Mukadaro bedzi tichapedzerana nekuti inondiparadzira imba yangu, ibva masiyana nayo,” vakadaro baba vemwana uyu vachityisidzira Kwayedza.
Vakaudzwa pachena kuti hapana chichamisa kubuda kwenyaya ino sezvo vose vari munyaya ino vakakurukurwa navo, kusanganisira ivo, vakapa pfungwa dzavo vakasununguka.




