Amai vakatiza kasvava

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekwaSeke wekutiza kasvava kane mwedzi gumi yekuzvarwa kwesvondo rose izvo zvakaita kuti kange kachirasikirwa nenguva yekuyamwa akatongerwa kunofondoka pasina muripo nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts. Josphine Mahungua (29) wekubhuku rekwaZinanga akamiswa mudare iri akatarisana nemhosva yekushungurudza mwana.

“Mhosva ndinobvuma, ndakasiya mwana nekuti ndaidzingwa pamba nevabereki vangu vachiramba vana vangu,” akadaro Mahungua.
Mutongi Lazarus Murendo akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi mushure ndokuzomubvisira mwedzi mina pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mwedzi mitanhatu yainge yasara, vakaisendeka padivi zvakare paine chitsidzo chekuti Mahungua aifanira kunofondoka kwemaawa 210 paChitungwiza Magistrates’ Courts pasina muripo.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa2 Zvita gore rino munguva dzemanheru, Mahungua akaenda kumba kwavamwene vake achibva anovasiira kasvava kake.

Murume wake, Arendel Shanhwa, akabva amutevera kumba kwanaRosemary Mbiriyenyika mubhuku rakare uko akanomuwana ari.
Vave munzira kuenda kumba kwevabereki vake, Muhungua akakumbira kuti ambotsauka achiti akange achida kunotora mari yake panove paakabva angoita museve waenda neuma kusvika nomusi wa10 Zvita waakazobatwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×