Batai ndufu dzose sedzeCovid-19

Lovemore Chadzingwa ari kuKADOMA

NDUFU dzakawanda dziri kuitika pari zvino dziri kudyidzana nechirwere cheCovid-19, inodaro imwe nyanzvi yezveutano.

Dr Daniel Chirundu, avo vanova director wezveutano mukanzuru yeKadoma vanotaura mashoko aya zvichitevera kufa kuri kuita vanhu vakawanda, kusanganisira vemuguta ravo.

“Pane kuchengetedzwa kwekodzero dzemurwere panyaya dzakadai. Zvisinei, tiri kutora ndufu dzose sedziri kukonzerwa nechirwere cheCovid-19 pari zvino,” vanodaro Dr Chirundu.

Guta reKadoma mumasvondo maviri adarika rarasikirwa nevanhu vane mukurumbira vanosanganisira Cde Peter Haritatos avo vaimbova mumiriri weMuzvezve mudare reNational Assembly uye vari zvakare nhengo yeZANU PF Central Committee.

Vamwe vakashaya ndiSanyati District Schools Inspector (DSI) VaBernard Makamure, nhengo yebhodhi reDevelopment Trust of Zimbabwe (DTZ) kuMashonaland West VaFrancis Kondanani, Kadoma Central Hospital Sister-in-Charge Angela Zvavandanga namuzvinabhizimusi VaDavid Chidemo.

Mumwe mushandi wekanzuru yeKadoma aiona nezvekuchengetedzwa kwenzvimbo inovigwa vanhu kuRimuka akaudza vanhu vaida kuviga hama yavo inova mudzimai uyo akafa mushure mekurumwa nembwa kuti vari kuviga vanhu vatatu pazuva vanenge vafa neCovid-19.

Anoti mamiriro ezvinhu asanduka zvachose uye zvose zvaiitwa kare zvinosanganisira kupa mashoko parufu nekuonekedzana nemushakabvu hazvichatenderwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Gwaro reCity Health situational report (Sitrep) rakaburitswa nekanzuru yeKadona nemusi weMugovera wadarika rinoratidza kuti guta iri rine vanhu 1 122 vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 596 vachiri nedenda iri, 461 vakatopona asi vamwe 64 vakafa kubvira pakatanga kuonekwa chirwere ichi muno gore rapera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×