‘Batsirai mhuri dzakawirwa netsaona yechikepe’

Kingstone Mapupu

GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland West, Cde Marian Chombo, vanokurudzira veruzhinji kuti vabatsire mhuri dzine hama nevabereki vakafira mutsaona yekunyura kwechikepe iyo yakaitika muLake Kariba nguva pfupi yadarika.

 Izvi zvinotevera njodzi yechikepe cheMbuya Nehanda icho chakaurayisa vanhu 97 muLake Kariba.

 Rubatsiro urwu rwunoteverawo kurudziro yakaitwa nemutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, yekuti vanhu vakazvimirira, vanamuzvinhabhizimisi pamwe chete nemapoka akasiyana-siyana vabatsire mhuri dzakasangana nenjodzi iyi.

 Vachawana rubatsiro urwu vanosanganisira mhuri dziri kwaMambo Mola kumaruwa eKariba idzo dzine vadikani vakafa mutsaona iyi.

 Vachitaura pakugashidzwa kwechikafu nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana kubva kuna Dr Kamwelo Banda nevamwe vanamuzvinhabhizimisi kuChinhoyi, Cde Chombo, vakakurudzira veruzhinji kutambanudza maoko pane zvose zvavainazvo kuti mhuri dzakashaikirwa nevadikani vadzo dzibatsirikane.

 Vamwe vanamuzvinabhizimisi vakapa rubatsiro urwu ndiVaUnesco Chirinda naVaMoses Chipi vemunharaunda iyi

  “Tinotenda Dr Banda nevamwe vanamuzvinabhizimisi nekuda kwezvipo zvechikafu nezvimwe zvakasiyana zvavabvisa takanangana nekubatsira mhuri dzakafirwa nehama nevabereki mutsaona yechikepe yakaitika muLake Kariba. Dr Banda vane shamwari dzavo dzakawanda saka tinokumbira kuti dziuye kuzotibatsirawo padambudziko iri tichichema tiri pamwe chete,” vanodaro Cde Chombo.

 Vanoti vanhu vakafa munjodzi iyi vanosanganisira vabereki nevana.

 “Vamwe vakashaika vabereki uye dzimwe mhuri dzakasara dzichitambura dzisisina variritiri. Izvozvi zvikoro zvichange zvava kuzovhurwa mumasvondo ari kutevera nekudaro vana vari kuda zvekushandisa zvinosanganisira mabhuku nezvinyoreso, mbatya dzechikoro nemari yechikoro chaiyo. Hurumende, kuburikidza nemutungamiri wedu wenyika President Mnangagwa, pane matanho airi kutora ekubatsira mhuri dzakarasikirwa nevadikani vavo,” vanodaro Cde Chombo.

 Vanotendawo mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Dr Auxillia Mnangagwa, nekushanyira kwavakaita mhuri dzakawirwa netsaona iyi vachizvionera mamiriro akaita zvinhu.

 Dr Banda vanoti vakabatikana zvikuru nekuda kwenjodzi yechikepe icho chakaurayisa vanhu vakawanda izvo zvakavasunda kuti vatsvage rubatsiro rwavakagashidza urwu.

 “Takaona zvakakodzera kutsvagawo zvishoma zvatinazvo kuti tibatsire mhuri dzakafirwa nehama dzavo, vangava vana kana vabereki vakashaika. Ticharamba tichitsvaga zvimwe kuhama neshamwari dzedu kuti tiwedzere rubatsiro kumhuri dzakasiiwa idzi,” vanodaro Dr Banda.

 Zvinhu zvakabviswa naDr Banda nevamwe vanamuzvinhabhizimisi zvinosanganisira chibage, sauti, mafuta ekubikisa, shuga nesipo.

Zvachakadaro, Hurumende nguva yadarika yakazivisawo kuti ichapa US$100 kumunhu mumwe nemumwe akawirwa netsaona iyi, apo mari iyi ichapihwa kune mhuri dzakasara kana hama kuitira kuti vabatsirikane nechimbi-chimbi.

 Nerimwe divi, Zambezi River Authority (ZRA) yakapa mari inosvika US$20 000 senzira yekutsigirana neHurumende panyaya yenjodzi iyi.

 CBZ Holdings, kuburikidza neCBZ Foundation, yakavimbisa kuti ichapawo US$50 000 kumhuri dzakawirwa netsaona iyi.

 Pamari iyi, mhuri imwe neimwe ichawaniswa US$300 kuti ibatsirikane.

Related Posts

Makorokoza matatu afira mumugodhi wadhirika

MAKOROKOZA matatu akafa zvichitevera kudhirika kwakaita mugodhi wavaishandira vari kuPenhalonga, kwaMutare nemusi weMuvhuro wadarika.  Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.  “Zimbabwe Republic Police inotsinhira njodzi yemumugodhi yakaitika…

Bhazi raputitswa nemadharameti

Lovemore Kadzura HONDO yakaoma yekutsvaga vafambi pakati pevaridzi vemabhazi muChipinge yakatora chimiro chine njodzi neChishanu chadarika apo bhazi rekambani yeBig Game Motors rinonzi rakaputitswa pachishandiswa madharameti, panzvimbo isingatenderwe vemabhazi kumira…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *