Batsirai Rejoice atambura

MUSIKANA uye wekuHatfield, muguta reHarare, wekutsvaga rubatsiro rwekuti avhiyiwe zibundu rakangomera kusvikira ravhara ziso rake anoti akawana ruyamuro rwekuti aongororwe nanachiremba uye chasara imari yekuti achivhiyiwe.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yaRejoice Mudede (20), uyo aitsvaga rubatsiro rwekuti avhiyiwe zibundu riri paziso rake.

Zvichitevera kububa kwakaita nyaya iyi, Rejoice anoti akawana rubatsiro rwe$200 kubva kune mumwe munhu yekuti avhenekwe zibundu iri kunyangwe zvazvo achiri kutsvaga imwe $200 yekuti avhiyiwe.

“Mari yandakawana $200 mwedzi wapfuura ndakaenda kunovhenekwa mumusoro zvakare nekuti bundu iri rionekwe parinochekwa. Iye zvino kwasara $200 yekuti ndichekwe bundu iri kuParirenyatwa (Group of Hospitals) uye ndinotenda zvikuru Kwayedza nekushambadza kwayakaita dambudziko rangu,” anodaro.

Rejoice anoti atambura nezibundu iri sezvo richimurwadza zvikuru.

“Ndatambura nebundu riri pamusoro peziso rangu rekuruboshwe. Amai vanoti rakatanga kungokura ndiri mudiki zvakare vakamboedza nepose pavanogona kuti ndibatsirike kumasowe kuchechi yatinopinda asi zvakashaya basa.

“Bundu iri raimbova diki asi nekukukura kwangu riri kuramba richikurawo zvekuti rave kuda kuvhara ziso.

“Musoro wangu unogara uchirwadza nguva nenguva uye dzimwe nguva ziso iri harione zvakanaka sezvo rave kuvharwa nechinyama chiri pamusoro,” anodaro Rejoice.

Anoti rimwe ziso rake rave kudairirawo richirwadza zvekuti musoro wave kumuremera izvo zvinoita kuti agare akarara.

“Ndinogara ndirere nekuti ndinonzwa dzungu nekuona rima nguva nenguva.”

Rejoice anoti akasvika pakuregedza kuenda kuchikoro nekuda kwedambudziko rezibundu iri.

“Ndakasvika pakutadza kuverenga, ndaiona neziso rimwe chete. Ndakagumira Form 3 nekuda kwedambudziko iri izvo zvakakonzerwawo nekushaikwa kwemari naamai vangu sezvo baba vangu vakashaya,” anodaro.

Vanoda kubatsira musikana uyu vanochaya nhare panhamba dzinoti 0714 739 208 kana 0771 358 425.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×