‘Batsirai vana vakaremara’

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasatarisire vana vakaremara pasi asi kuti vaedze nepose pavanokwanisa kusimudzira upenyu hwavo nekuvabatsira mune zvakasiyana, kusanganisira dzidzo yavo.
Kurudziro iyi yakaitwa naMambo Chinhamhora, VaSimon Chidziva, svondo rapera kuDomboshava apo sangano rinobatsira vana vakaremara, reZimbabwe Parent of Handicapped Children Association (ZPHCA), raipihwa nzvimbo yebindu rekurima nechinangwa chekubatsira vana ava.

Ishe Chinhamhora vakati ibasa remunhu wese kubatsira vana vane mitezo isingashande zvakanaka.
“Tinoda kuzivisana kuti kuita mwana akaremara inzira yaMwari uye ibasa remunhu wose kubatsira vana ava nemhuri dzavo, kusanganisira mudzidzo yavo. Vanaamai vevana ava vanosangana nematambudziko mazhinji mushure mekuzvara mwana anenge akaremara. “Ini samambo ndiri kutendera kuti madzimai ane vana vakaremara apihwe pokurima magadheni nepekuchera migodhi yemvura.

“Migodhi iyi ichashandiswa kuchera mvura iyo ichaiswa mumabhodhoro yotengeswa kuitira kuti boka redu revana vakaremara riwane mari yekushandisa kubatsirana nevana ava uye tichaona zvichapawo pundutso kuvana ava,” vakadaro Mambo Chinamhora.

Sabhuku Gilbert Tendai Mungate vakatsinhira mashoko aya ndokupa chidimbu chebindu ravo kusangano iri icho vakati chicherwe migodhi yemvura yekushandisa.

“Ini ndinoti vana ava ndevedu tose nokudaro sezvataurwa namambo ini ndiri kupa chidimbu chegadheni rangu kuti chiitwe purojekiti iyi kuti vana ava nevabereki vavo vayamurike,” vakadaro Sabhuku Mungate.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×