Begovic otengwa neBournemouth

BOURNEMOUTH yave pedyo nekutenga Asmir Begovic (29) kubva kuChelsea uye yave nenguva yakati rebei ichiedza kumutenga.

Zvikwata zviviri izvi zvingangowirirana panyaya yemari yekutengesa mutambi uyu iyo iri kuzivikanwa kuti i£15 miriyoni paunzi.

Begovic ari kutarisirwa kubvuma zvirangano zvake zvaanoda pachake apo akatarisana nekuenda kunoongororwa utano hwake.

Bournemouth yakaedza kutenga Begovic muna Ndira asi Chelsea yakaramba kutengesa mutambi uyu ichiti inoda kutanga yawana mumwe anomutsiva.

Chizvarwa chekuBosnia ichi chinogona kuteverwa kubva kuStamford Bridge nevamwe vatambi veChelsea vanoti Nathan Ake naKasey Palmer sezvo murairidzi weBournmouth – Eddie Howe – ari kuda kuvatenga pamwe chete naJohn Terry uyo asati azivisa kuti anoda kuita sei remangwana rake.

Begovic akakwanisa kutamba kasere kuChelsea mwaka wadarika uye zviri kuzivikanwa chaizvo kuti anoda kubva kuti zvigomuwanisa mukana wekutamba mitambo yakawanda kuchikwata chitsva chimwe. – Sportsmail Football.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×