Benzi rabvuta chidhiraivho: IMBWA HAIHUKURE SADZA

NDICHIBVA kumusha svondo rakapera ndakasvika panzvimbo pakanga paitikira tsaona yakaoma kwazvo. Motokari yakanga yakaisa mavhiri mudenga, uye paive nevanhu vakanga vakuvara. Ndakakumbirwa nemupurisa aivepo kuti kana ndakasununguka nditakurewo vanhu vakanga vakuvara ndiende navo kuMt Darwin Hospital.

Ndakakurumidza kuburitsa zvinhu zvandaive nazvo mumota, ndichibva ndadhiraivha mota tonanga kuchipatara. Tave munzira, ndakada kunzwisisa chakanga chaitika. Ndipo pandakanzwa nyaya yakandipedza simba. Mutyairi wemota yakanga yaita tsaona akanga atakura vanhu vaienda kuGoora. Vaive varume vatatu nevakadzi vaviri.

Vave munzira, mota ichifamba zvakanaka, murume akanga akagara kumberi nemutyairi akangoerekana avhunduka, achibva aridza mhere ndokubvuta chidhiraivho chemota kubva kumutyairi. Zvino semota yakanga ichifamba, uye mutyairi semunhu akanga asina tarisiro yekuti pangaitike chinhu chakadai, akarohwa nehana.

Apa mota yakabva yabuda mumugwagwa, ndokutanga kudzura twumiti nematombo isati yazotanga kuita chamupidigori kusvikira yanoti njaya mavhiri atarisa mudenga. Mushure metsaona, ndipo pazvakazoonekwa kuti murume akanga agariswa kumberi mumota iyi murwere wepfungwa. Hama yake yakanga yakwira naye mota haina kumboyambirawo mutyairi wemota nezvekurwara nepfungwa kwemurume uyu.
Uye, murume uyu nyangwe pandakazovatakura tave kuenda kuchipatara, akanga ongotaura zvisina muganhu.

Asi semunhu akanga aita mashiripiti anenge engozi, hama yake yakabva yamusunga nemakavi kuti asaitezve mamwe mashura. Ndozobvunzisisa, ndakanzwa kuti murume uyu ane zvinhu zvaanoita sekuti anoona. Saka hazvizivikanwe kuti paakaridza mhere achibvutira mutyairi wemota chidhiraivho akanga aona chii.

Asi nyaya iripo ndiyoyi, vanhu mukurarama vanoteverwa nemhepo dzakasiyana-siyana. Mumwe mufundisi wechechi akambotakura vamwe amai rimwe gore. Vafamba kwechinguva, mufundisi vaye vakangoerekana mota yavo yave kurwisana navo ichida kubuda mumugwagwa.

Semunhu waMwari, mufundisi vakadana kuna Mwari wavo, ipapo, amai vaye vakanga vatakurwa vakabva vati, “Mwanangu usatye zvako nezviri kuitika izvi, ndine mweya usingade kuti ndikwire mota. Pese pandinokwira mota chete pane tsaona inotoitika. Saka ndapota, ndiburutse zvako ndipedzise rwendo rwangu netsoka.”

Dai taive nemaziso ekuona zviri mumweya, taizoona kuti vanhu vazhinji vari kushandiswa naSatani. Ndakazopedzisa zvangu rwendo rwangu rwekuuya kuHarare, asi pfungwa yandakanga ndave nayo yakanga yave yekuti havasi vanhu vose vose vanenge vachida kutakurwa nemota vaunofanira kutakura. Asi unovaziva sei kuti ava havaite, uye ava vanoita?

Pamwe zviri nani kungogara tasiira vemabhazi nemakombi basa rekutakura vanhu. Nekuti ndakati ndave muMadziva, ndakabva ndaona mumwe mukuru aimisa mota. Aive akapfeka saKapfupi.  Ndakati ndega, “Kumwe kupfeka kunoda usiri kutsvaga mota dzekuti ufambe rwendo.”
Kapfekero kemukuru iyeye kakaita kuti ndifunge kuti kana achinge apinda mumota anogona kusvikirwa kana kungozotanga zvimwe zvinhu zvisingaite.

Unozoudza ani kuti ndakanga ndangovatakurawo nemota nekuti ndaida dhora ravo. Kana nanhasi iwe une zvimwe zvinhu zvauri kupa lift muhupenyu hwako. Panzvimbo yekuti zvinhu izvozvo zviite passenger ine hunhu, iri kuenda kwairi kuenda, zvinhu izvozvo zvinodawo kubata chidhiraivo chehupenyu hwako.

Zvinoda kukuburitsa mumugwagwa, zvigokutadzisa kusvika kwauri kuenda. Famba naJesu, kana akakubatira chidhiraivho chemota yako, anenge achida kukunzvengesa patsaona, nekukusvitsa kumba kwete kuchipatara kana kumakuva.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×