SRC yotsvaga mari yemaansa

Abel Ndooka
SANGANO reSports and Recreation Commission rinoti riri kutsvaga mari inosvika US$30 000 yekushandisa padopiro remaAnnual National Sports Awards rekupa mibairo kune shangwiti dzakadadisa mitambo yakasiyana gore rino. Mibairo iyi inokotsverwa neDelta Beverages gore rega-rega asi kubvira makore adarika kambani iyi yange ichideredza mari yayange ichitsigira nayo chiitiko ichi nekuda kwemamiriro enyaya dzehupfumi munyika izvo zviri kutuma SRC kuti itsvage rwumwe rutsigiro.

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa, anoti kunyangwe hazvo vachigamuchira rutsigiro rwavanowana kubva kuDelta vari kumhanya-mhanya nekune rimwe divi vachitsvagawo mari yekuti mabiko eANSA agobudirire.

“Masangano akasiyana achasangana svondo rinotevera muHarare paHoliday Inn apo tichaita mabiko ekutsvaga mari iyo tinoda kuzopa semibairo pamabiko eANSA muna Zvita.

“Mibairo iyi inokotsverwa neDelta Beverages asi makore adarika yange yave kuderedza mari yavange vachidira pamabiiko aya saka isu takazviona zvakakodzera kuti titsvagewo pashoma tiwedzere pane iyo yatinenge tawaniswa nevakotsveri vedu ava. “Ndivo vacharamba vari vakotsveri vedu hedu asi tinoda kupamidzira pane zvavanenge vatipa.

“Uye zvakakosha kuti tiwane mari yakawanda kuti avo vachahwiniswa mibairo iyi vagohwinawo zvinobatika zvekuti vanoenda kudzimba dzavo vachinyemwerera kuti basa ravo riri kuyemurwa,” akadaro Nheweyembwa. Chamangwiza weDairybord Group, Antony Mandiwanza, uyo aimbove sachigaro weSRC kare, ndiye achange ari muenzi anoremekedzwa pamabiko esvondo rinotevera musi weChishanu ayo ari kurongwa neSRC.

Zvakadaro, dopiro reANSA rinotarisirwa kuitwa musi wa16 Zvita apo vatambi vemitambo yakasiyana nezvikwata vachange vachihwiniswa mibairo. Gore radarika, mutambi wetsiva Charles Manyuchi ndiye akahwina mubairo weSports Personality of the Year.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *