Lovemore Kadzura
HONDO yakaoma yekutsvaga vafambi pakati pevaridzi vemabhazi muChipinge yakatora chimiro chine njodzi neChishanu chadarika apo bhazi rekambani yeBig Game Motors rinonzi rakaputitswa pachishandiswa madharameti, panzvimbo isingatenderwe vemabhazi kumira mudhorobha iri.
Kuputika uku, kwakaitika kuma3 mangwanani, kwakakonzera kukuvara kukuru kutayi rekumashure kurudyi ne”axle” yebhazi, zvichiita kuti bhazi racho ritadze kufamba uye kuwedzera kutya mukati mevagari veko maererano nechisimba chiri kushandiswa nevemakambani emabhazi vachirwira vafambi.
Mapurisa akatanga kuferefeta nyaya iyi, kunyange hazvo pasina vanhu vakange vasungwa panguva yekuburitswa kwenyaya ino.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi, vachiti mutyairi nemubatsiri wake vainge vakarara mubhazi apo munhu asina kuzivikanwa akakanda chinhu chinoputika (detonator). Munhu akaita izvi achapomerwa mhosva yekuedza kuuraya nekuparadza pfuma nemaune.
“Tiri kuferefeta nyaya yekuedza kuuraya nekuparadza pfuma nemaune yakaitika musi wa21 Nyamavhuvhu 2026. Bhazi rekambani yeBig Game rainge rakamiswa paChinheya Business Centre. Pazuva iroro kuma3 mangwanani, mumwe munhu akaenda kubhazi ndokukanda chinhu chinoputika pamavhiri ekumashure. Mutyairi webhazi nemubatsiri wake vainge vakarara mukati mebhazi kumashure.
“Mutyairi nemubatsiri vakakwanisa kutiza uye hapana akakuvara. Bhazi rakakuvadzwa kumashure. Iye zvino tiri kuferefeta chinangwa chekurwiswa uku,” vanodaro.
Chiitiko ichi inhevedzano yekurwisana kune chisimba pakati pevaridzi vemabhazi nevashandi vavo muChipinge, uko mamwe makambani anonzi ari kuramba kupinda kwevamwe vakwikwidzi vatsva mumigwagwa ine pundutso yakaita seChipinge-Harare, Chipinge-Bulawayo, Chipinge-Kwekwe nedzimwe nzvimbo.
Vagari vemudhorobha reChipinge vanoti kuputika kwacho kwakaita kuti kudengenyeka kunzwike munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kwakamutsa kunetseka kukuru pamusoro pekuchengetedzeka kwevanhu vanofamba vachishandisa mabhazi eruzhinji zuva nezuva.
“Zvinhu zvinoputika zvatiri kufungidzira kuti zvakaiswa mubhazi nevashandi vekambani inokwikwidzana navo. Zvakaitika kuma3 mangwanani. Pakava neruzha rukuru rwekuputika rwakanzwika munzvimbo zhinji dzedhorobha reChipinge. Vari kurwira migwagwa yekufamba nayo,” anodaro mumwe mugari wemunzvimbo iyi uyo akaramba kuti zita rake ridudzwe.
Kuputika uku kwakaita kuti veruzhinji vemunzvimbo iyi vakurudzire mapurisa nevamwe vabati vezvemutemo kuti vatore matanho ekugadzirisa mamiriro ezvinhu asina kunaka aya.
Vafambi vakati wandei, avo vakakurukurwa navo nemunyori uno, vakaratidza kunetseka kuti hondo dzekurwira migwagwa idzi dzinogona kuzopedzisira dzakonzera kufa kwevanhu vasina mhosva.
“Zvinotyisa zvikuru. Nhasi ibhazi raputiswa, asi mangwana vanogona kuva vafambi vanobatwa pakati penyonganyonga iyi.
“Isu ndisu tinotambura nekuda kwehondo idzi. Varidzi vemabhazi vanofanira kukwikwidzana nenzira ine hunyanzvi, kwete kushandisa mhirizhonga. Vane masimba vanofanira kupindira vanhu vasati vafa,” anodaro Tawanda Mlambo, uyo anogara achifamba pakati peChipinge neHarare.
Mumwe mufambi, Memory Chitima, anoti mamiriro ezvinhu ari kuipa ari kuita kuti vafambi vasanzwe vakachengetedzeka pavanokwira mabhazi.
“Tinongoda kufamba murunyararo uye kusvika kwatinoenda takachengetedzeka. Zviri kuitika iye zvino zvakafanana nenyonganyonga apo munhu wese ari kurwira vafambi. Hurumende, mapurisa nevane chekuita nekufambiswa kwevanhu vanofanira kuunza hurongwa hwakanaka muchikamu ichi,” anodaro.
Shepherd Marimo, uyo anogara achishandisa mabhazi anoenda kuBulawayo, anoti makwikwi ane mhirizhonga ari kukanganisa chimiro cheindasitiri yekufambiswa nekutakurwa kwevanhu muChipinge.
“Vatyairi ava vanofanira kunzwisisa kuti vafambi havasi chinhu chekurwira. Panofanira kuva nemitemo yakakodzera pamabhazi uye kurangwa kwakaoma kune avo vanotyisidzira vakwikwidzi kana kuisa veruzhinji panjodzi,” anodaro.
Vafambi vanopomerawo mhirizhonga iyi nekuda kwekuwedzera kwemakwikwi pakati pevatyairi uye mahwindi.
“Mahwindi aya anowanzodenhana uye dzimwe nguva kurwa kunotanga pamberi pevatyairi, kusanganisira vanhukadzi nevana. Vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo vanofanirwa kugadzirisa nyaya dzerudzi urwu nekuti mabasa aya asiri pamutemo kana akaregwa achienderera mberi zvinoita kuti mhosva huru dzizoparwa,” anodaro mumwe mutyairi webhazi, Rutendo Mukome.




