Bhazi rekuGandavaroyi rokonzeresa . . . rakafa asi ronzi robaka maraitsi roga

Muchaneta Chimuka

MUNHARAUNDA yeChitungwiza, padyo nerimwe garaji rinogadzirwa motokari riri paChikwanha Shopping Centre, pane bhazi rakapakwa iro riri kunzi ratova nemwedzi inoraudzira rakafa asi richiita “mashiripiti” anosanganisira kubaka maraitsi ekumberi rega munguva dzemangwanani nemanheru zuva nezuva.

Bhazi iri rinonzi raimboenda kuGandavaroyi kuGokwe risati rafa.

Mamwe mashoko anoti mubhazi umu munotomboridzwa mimhanzi, kuonekwa makazara vanhu vakagara vakakotsira uye hwindi achidaidzira vanhu kuti vapinde.

Mushure mekunzwa runyerekupe urwu, munyori uno akapedza mazuva mashanu achiita tevedzo yekuona kuti panguva dzakatarwa idzi dzekuma6 mangwani na6 manheru bhazi iri rinobaka here maraitsi, akaona zviri zvechokwadi.

Svondo rino, Kwayedza yakazoita hurukuro neveruzhinji avo vari kukahadzika nechiitiko ichi kusanganisira Tatenda Gurwe (34) uyo ari kuzviti ndiye muridzi webhazi iri.

Adam Gaku wekuChitungwiza anoti vagari vemunharaunda iyi vanoona sekuti pabhazi iri  panoitika mamini-mini.

“Bhazi riri kwaChikwanha nderezvipoko riya nekuti dzimwe nguva tinotonzwa vanhu vachiimba pamwe pacho rinorira redhiyo asi risina vanhu. Dzimwe nguva rinochinja rutivi rwarakatarisa rega saka tinoona senge mashiripiti isu. Ndakatomboenda padhuze naro ndikaona richibaka maraitsi egreen mangwanani, ndikatarisa zvekare manheru ndikaona rakabaka asi masikati rinodzima rega,” anodaro

Innocent Kasadza anotiwo: “Vamwe vanoti masolar anobaka usiku nekuti anenge asisina mabhatiri asi vamwe vanhu vane mabhizimusi vanobata-bata kunyangwe isu semahwindi tisingarege kuvashandira nekuti tinenge tichida mari.”

Kainos Matimbanyoka anoti bhazi iri rakatanga riri padyo neVelvet Service Station ndokuzoendeswa kwaChikwanha uye muridzi waro anonzi akafa mushure mekutsikwa naro apo akanga ari kurigadzira arere pasi paro.

“Bhazi iri ranetsa nekuti rinofanira kunge muridzi waro ari iye ari kumuka chipoko zvichitevera firo yake, anonzi akatsikwa nebhazi rake saka anenge akatofa aine chigumbu. Kubaka kwariri kuita kune chirevo chekuti pane zvechivanhu zvinoda kugadziriswa nokudaro harifi rakakwira vanhu pakadai kusvikira mamini-mini iwayo agadziriswa,” anodaro.

Zvisinei, Gurwe anoti bhazi iri nderake uye harina hurombwa asi kuti rine maraitsi anobaka zvechokwadi ekumberi kuma6 mangwanani nemanheru zvekare achishandisa simba remagetsi rinobva muzuva.

“Takaedzawo kushongedza bhazi redu nemaraitsi egreen ekumberi kuti rinake, anotora simba remagetsi kubva muzuva saka kana kuine bvute kana mumvuri mangwanani nemaheru maraitsi anobaka green nekuti solar inenge isisingachachaji sezvo kunenge kusina zuva. Ndapota, veruzhinji ngavachenure bhazi iri rinototakura vanhu kungoti tatova nemwedzi tichishaiwa bhatiri asi hinjini irimo,” anodaro achipinza munyori uno mubhazi kuti aone hinjini yacho.

Gurwe akasvika pachidanho chekusunungura mamwe maraitsi ebhazi iri kuti munyori uno agutsikane nemashandiro aanoita.

“Mashoko ekuti bhazi rinobaka rega maraitsi nemimwe minana iri kutaurwa kuti rinombogara vanhu ndakaanzwa asi ndinoti vanhu vanogaramo vashandi vepagaraji rino vanenge vaneta nebasa saka vakasununguka kugaramo vachidya sadza ravo kana kuzorora. Bhazi rino harikotsirisi vanhu sezviri kutaurwa. Kana mutyairi waro akatombondiudza mashoko ari kutaurwa asi handina kuda kumatora seakadzama sezvaava. Ndinotoshamisika vanhu vachidongorera mubhazi racho apo vanodarika nemamwe mabhazi uye vamwe vachinongedzera,” anodaro.

Gurwe anoti bhazi ravo raimbotakura vanhu muChitungwiza asi vakazosiyana nazvo ndokutanga kuenda kuGandavaroyi kuGokwe kudakara razonyura mumadhaka apo raibuda mugaraji richiitira kuti mubudiswe tirera.

“Kunyura kwarakaita harina kuzombofambazve zvekuti mwedzi watodarika riri pano. Chinongodiwa ibhatiri kuti ripinde pamugwagwa uye pekugara paripo pakanaka. Hatina kuromba isu saka vanhu vasazotya kurikwira parichatanga kufamba,” anodaro.

Zvakadaro, mukuru wemahwindi pachiteshi chemabhazi chepaCharge Office muguta reHarare – Solomon Svikiro Mandela – anoti kune vamwe vanhu vane makombi nemabhazi vanogona kuromba vachifunga kuti zvinosimudzira mabhizimusi avo.

“Handizvirambi kuti kune vanoromba nekuti kana tikatarisa pano parengi yeCharge Office tine mamwe mabhazi asingatofambiswi nevamwe vatyairi kana ari mumutsetse, tinotomirira muridzi kuti asvike abate (steering yake) zvisinei nekuti rinenge rakavharidzira mamwe mabhazi. Ukada kupindamo unoona hutsi kana kuti haritomuki saka tine mamwe mabhazi atinotofonera varidzi vawo kuti afambe pano,” anodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Peter Maponda, vanoti kana motokari dzikaita tsaona dzinofanira kuchenurwa nekuti dzinokonzera mashiripiti.

“Kune vamwe vanhu vanotsika vanhu nemotokari kana mabhazi avo votiza kana kuti vongotongwa kumatare voti zvapera, izvo ngozi inofanirwa kuripwa kumhuri yaparirwa mhosva. Unozoona motokari iyoyo ichiita minana yekuramba ichitsika vanhu kana kuti vanhu vanonzwa mazwi vasingaoni vatauri vacho kureva kuti mufi anoda kuripwa,” vanodaro.

 

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×