Abel Ndooka
MURAIRIDZI weDynamos FC – Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe – anoti matambiro ari kuita chikwata chake haasi kugutsa izvo zvaona DeMbare ichikwanisa kuhwina mutambo mumwechete kubva pa10 yayatamba kusvika parizvino nekudaro vanofanirwa kutokunya kuti dzisimbe.
Mwaka uno, DeMbare iri kutatarika zvikuru uye svondo radarika yakakundwa 1-0 neScottland FC mumutambo wakatambirwa kuRufaro Stadium muHarare.
Izvi zvaona DeMbare ichigara pechi14 palogo ine zvibodzwa zvisere.
Chikwata ichi changokwanisa kuhwina mutambo mumwechete, ndokuita mangange mishanu uye ndokukundwa mina kubva pamitambo 10 yeCastle Lager Premiership.
Achitaura nguva pfupi yadarika, Mablanyo anoti matambiro ari kuita vakomana veDeMbare haasi kufadza nekudaro vanofanirwa kutokunya kuti dzisimbe.
“Matambiro atiri kuita haasi kufadza, kana musingahwine mitambo yenyu hazvimbotofadze kana kamwechete.
“Hapana anofara kana asingahwine saka isu hatisi kufara naizvozvo ticharamba tichishanda nesimba kuti tihwine mitambo yedu inotevera,” anodaro.
Kunyangwe hake asina kunyatsobuda pachena kuti anogutsikana here kana kuti kwete nevatambi vaanavo, Mablanyo anoti ari kushanda nezviripo uye achashanda nevatambi ivavo kuti vahwine mitambo yavo inotevera.
“Sechikwata, hatifanire kutarisa zvatisina, totongoshanda nezviripo, saka vatambi vatinavo tiri kufanira kushanda navo zvakasimba tichivafundisa kuti vanwise, pakunwisa ndipo pari kutidzorera shure,” anodaro Mablanyo.
Svondo rino, DeMbare iri kunanga kuGibbo Stadium kunosangana neTriangle United mumutambo uyo inofanira kuhwina kana ichida kusimukira palogo rePSL.
Zvakadaro, mimwe mitambo iriko svondo rino ichaona Highlanders FC iri pamusha payo kuBabourfields apo ichasangana neFC Platinum musi weSvondo.
Nerimwe divi, Scottland FC – iyo iri kurairidzwa naTonderai Ndiraya – ichasangana neSimba Bhora yaaitungamira mwaka wadarika izvo zvakaona achisimudza mukombe wePSL nechikwata ichi.
Mutambo weScottland neSimba Bhora uchange wakatariswa zvikuru nevatsigiri vakawanda venhabvu.
Chikwata chiri kupisa muPSL mwaka uno, cheMWOS FC chichange chiri pamusha pacho paNgoni Stadium musi weMugovera apo chichasangana necheTelOne FC.
PIX: Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe




