Mwanakomana (25) aponda baba atsiurwa humbavha

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 25 okuberekwa anobva kwaSabhuku Sanyika kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro anonzi akaponda baba vake nekuvarova nenduni uye kuvabaya nebanga pachipfuva mushure mekutsiurwa kuti aiva mbavha.

Izvi zvakaitika apo Takawira Providence Useni aigara papurazi reEladale kuBeatrice pamwechete nababa vake –  Hussin Useni (49) – avo akazoponda.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti Takawira haana kufadzwa nemashoko ababa vake ekumuti yaiva mbavha uyewo nekumudzinga pamba apo anonzi akabva atora nduni ndokutanga kuvarova nayo muviri wese.

“Murume uyu akagumbuka zvikuru atsiurwa nababa vake kuti aiva mbavha avo vakabva vamuti vaimupa chirango chekuti atame pamba pavo. Izvi hazvina kumuitira zvakanaka akabva atanga kurova baba vake netsvimbo iya yemusoro mukuru inozivikanwa nekuti nduni muviri wese ndokuzovabaya nebanga pachipfuva. Aona kuti vakanga vakuvara zvikuru, akavamanikidza kufamba nekanzira kechivanhu kemusango kusvikira vasisagone kufamba apo akavasiya vapunzikira pasi,” vanodaro Comm Nyathi.

Takawira akabva adzokera zvake kumba kuita sepasina chakanga chaitika achisiya baba vake varere padivi pekamugwagwa aka.

“Nemusi wa3 Chivabvu, mumwe murumne aifamba nekamugwagwa aka akazoona mutumbi waHussin Useni uri mudivi neropa. Akabva ataurira vamwe veruzhinji nyaya iyi ndokuzomhan’arwa kumapurisa eZRP Beatrice avo vakaenda kunoona zvakaitika. Mapurisa pavaiongorora mutumbi uyu, vakaona une maronda akawanda ekurohwa uyewo pachipfuya paine ronda rekubaiwa nebanga. Panzvimbo pakawanikwa mutumbi uyu paivawo nemapanga matatu emukicheni aiva neropa uyewo netsvimbo yaivawo neropa inova yaakashandiswa kurova baba vake, paine simbi zvekare,” vanodaro Comm Nyathi.

Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheBeatrice uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.

“Murume uyu akabva asungwa uyo akachengetedzwa nemapurisa nyaya iyi ichifambira mberi nekufeewa. Ikurudziro yedu nguva dzose kuti vanhu vagadzirise nyaya dzavo mune zvakanaka pasina kurwisana kana kupondana,” vanodaro Comm Nyathi.

PIX: Aponda baba atsiurwa humbavha-09/05/25

Commissioner Paul Nyathi

Nduni

Ends

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×