Bhinya orangarira nherera

Abel Ndooka

MUIMBI wesungura – Hebert ‘Bhinya’ Jack – akabura kambo, ‘Born Lonely’, kari pamusoro pekuti veruzhinji vakoshese pamwechete nekusimudzira vana vanove nherera sezvo dzimwe nguva vachishaya variritiri.

Kambo aka kanotaura pamusoro pematambudziko akasiyana anosangana nenherera ayo akadai sekushungurudzwa kwavanoitwa nekushandiswa munharaunda vachidzvinyirirwa nekuti vanenge vasina vanovamiririra.

Jack, uyo anotungamira chikwata cheJerera Sounds, anoti semunhu akakura achiona nherera dzichimbunyikidzwa, akazvipira kuti anoda kurwira kodzero dzavo pamwe chete nekupa chenjedzo yakasimba kuti veruzhinji vagamuchire nherera uye vadzibate sevamwe vana vese.

“Ini ndichiyaruka tiri kuJerera kuZaka, takakura tine vamwe vana vataiziva vaive nherera saka ndakaona kukura kwavo kwairwadza zvikuru nekuti vaibatirirwa vachimbunyikidzwa sezvo vaive nherera.

“Moziva rudo rwemubereki wako rwakangokosha uye mubereki anongodiwa, kana asipo ndipo paunoona kuoma kweupenyu nekuti kazhinji hapana anenge achikucheuka.

“Ndichiona izvi zvichiitika kune vana vakawanda, ini ndakatora danho rekuti ndirwire kodzero dzenherera dzisina vanotarira panguva iyo zvinhu zvinenge zvichirwadza. Naizvozvo ndakatsikisa kambo kanonzi ‘Born Lonely’ kanotsanangura mararamiro anoita nhererera dziri munharaunda dzakasiyana.

“Nherera vanavo uye vanoda kupihwa rudo, ngatingovabate sevamwe vana,” anodaro Jack.

Kubva apinda mune zvemhanzi, Jack nechikwata chake vakwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Mhoro Bhinya naChegore Rino.

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinoti Mavambo, Rudo Nerunyararo, Munyika Yababa, Tatenda Matishanyira naBorn Lonely ako kari kupisa pari zvino.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×