Flora Fadzai Sibanda
MAKORE maviri adarika, munzvimbo yakanyarara yeWard 6, mudunhu reUmguza, Gracious Sibanda, uyo ane makore 31 okuberekwa, akaita sarudzo yaizoshandura upenyu hwake zvishoma nezvishoma.
Izvi hazvina kutanga nehurongwa hwakakura kana mari yakawanda, asi nechinhu chiri nyore — huku mbiri dzekunze kwenyika. Panguva iyoyo kwaingove kuda kuziva kuti zvinofamba sei.
Asi danho diki iroro rashanduka kuva chinhu chikuru kwazvo.
Nhasi, Sibanda ane bhizimusi rekurima riri kusimukira, achiva chikamu cheboka revechidiki vemuZimbabwe vari kuratidza kuti kurima kunoitwa nenzira yechizvinozvino kunoshanda uye kunounza pundutso.
Basa rake rakatotanga kubhadhara.
Akatengesa nhiyo dzinodarika 1 200, achinyanyonangana nedzerudzi rweOrpington.
Huku idzi hadzisi kungobereka chete, asi kuti dzinoyevedza zvakanyanya. Dzinouya mumhando dzakasiyana-siyana dzemavara, kusanganisira Buff, Splash, Lavender, Jubilee, Chocolate uye Cuckoo.
Huku dzeOrpington dzimwe nguva dzinozivikanwa nokunzi “feathery footballs” nokuda kwekunyorova nechimiro chadzo chinoyevedza.
Dzinozivikanwa pakuunza zvose nyama nemazai.
Pauremu, kazhinji dziri pakati pe3kg ne5kg, izvo zvinoita kuti dzive dzakanakira varimi vadiki pamwe nevanoda kuita bhizimusi rekutengesa.
Kufarira kurima kwaSibanda kwakatanga muna 2024, apo akapinda mumusangano wezvidzidzo zveunyanzvi kuSouth Africa.
Chiitiko ichocho chakazarura maziso ake kumukana webhizimusi waakanga asina kufunga kare, uye akadzosa ruzivo irworwo kumba.
“Ndakaona kuti kune mukaha pamusika wezvipfuyo zvemhando yepamusorosoro. Kupfuyiwa kwehuku dzekunze hakuna kunyanya kusiyana nekwehuku dzechivanhu . . . ,” anodaro Sibanda.
Kubva ipapo, akakoshesa kuita zvinhu nemazvo.
Huku dzake dzinopfuiwa panzvimbo yakatambanuka nenzira inozivikanwa nokunzi “free range system”, iyo inoita kuti dzikure dziine utano.
Sibanda anokoshesa nyaya yokuti huku idzi dziwane chikafu chinokwanirana, kunyanya chemapuroteni.
Iyi nzira yakamubatsira kuvaka mukurumbira.
Paakaratidza huku dzake kekutanga kuZimbabwe Agricultural Show, dzakabva dzaita mukurumbira.
“Takahwinha mibairo mishanu muchikamu chemhando dzehuku dzekunze. Izvi zvaisanganisira mikombe miviri yeChampion Hen uye Champion Rooster, mibairo yekutanga yeBuff neBlack Orpingtons, uye wechipiri weSplash,” anodaro Sibanda.
Zvisinei nekubudirira uku, kufambisa bhizimusi hakuitwi pasina matambudziko anosanganikwa nawo. Sevarimi vadiki vakawanda, Sibanda achiri kutarisana nezvimwe zvimhingamupinyi zvinotadzisa kukura kwake zvakanaka.
Anoti dambudziko rake guru nderekuchechenyesa mazai. Dzimwe nguva anochechenyesa kumwe, izvo zvinoita kuti mari ibude.
Zvisinei nezvigozhero izvi, Sibanda anoramba aine tariro yokuti bhizimusi rake richasimukira.
Nyaya yake mucherechedzo wezviri kuitika munyika yose, apo vechidiki vakawanda vari kukurudzirwa kuti vapinde mukurima.
Zvirongwa zveHurumende pamwe chete nedzidziso zviri kubatsira mukuwanisa varimi vechidiki mikana yokuti vazvivambire mabhizimusi uye vasimudzire upfumi hwenyika.
Zvirongwa izvi zvakare zvine chokuita nemuono weVision 2030, uyo une donzvo rekuwanisa vanhu mabasa nekusimudzira raramo kuburikidza nezvikamu zvakaita sezvekurima.
Rwendo rwaSibanda rwunoratidza kuti munhu anogona kubudirira kana achinge atanga nepadiki uye akazvipira mubasa rake.
Sibanda haaangopfuyi huku chete. Kuti asimbaradze basa rake, akapindawo mukupfuya mbudzi netsuro.
“Ndinokurudzira chero munhu, kunyanya vechidiki, kuti vafunge nezvebhizimusi iri. Rine pundutso uye zvibereko zvinouya nekukasika. Chinhu chikuru ndechekutanga nezvishoma, kuisa pfungwa pamwe chete uye kukura zvishoma nezvishoma,” anodaro.
Nyaya yake ine simba — iyeuchidzo yokuti kunyangwe zano diki, rikabatwa zvakanaka, rinogona kukura kuita chinhu chine musoro.




