Bhodhi rePool league rakagadzwa

Abel Ndooka
BHODHI idzva reHarare Pool League rakagadzwa svondo rapera iro rine basa guru rinosanganisira kutsvaga vakotsveri vanosimudzira mutambo uyu.

Vamiriri kubva kuzvikwata 27 izvo zvaikwikwidza muligi iri gore radarika, vakasangana kwaMachipisa kuHighfield, muHarare ndokuvhotera bhodhi idzva iro richange richitungamirwa naWillie Mutingwa kwemakore maviri anotevera.

Pamusangano uyu, pakaonekwa zvimwe zvikwata zvichivhoterwa kuzotambira muligi iri gore rino. Mukushi wemashoko weHarare Pool League, Andrew Mandidewa, anoti bhodhi ravo idzva iri rine basa guru rarakatarisana naro.

“Musangano wakafamba zvakanaka uye bhodhi redu iri rakavhoterwa kupinda panyanga tinofanirwa kuritsigira mubasa raro.

“Tinoziva hedu kuti vane basa guru riri pamberi pavo iro vanofanirwa kubata nekudaro zvikwata zvese zvinofanirwa kubatana navo mune zvese zvananenge vachiita nekuti ibasa redu tese kusimudzira ligi redu iri,” akadaro Mandidewa.

Zvakadaro, Mandidewa anoti mitambo yeligi yemwaka wegore rino iri kutanga svondo rino musi weSvondo uye vari kutarisira kuve nezvikwata 32.

Anoti pari zvino muligi ravo mune zvikwata 28 asi vari pakati pekukurukura nezvimwe zvikwata zvina izvo zvinoda kupinda kuzokwikwidza muHarare Pool League.

“Mitambo yeligi yemwaka wegore rino iri kutanga musi weSvondo, gore rino tiri kutarisira kuti mitambo yedu inenge ichinakidza zvikuru.

“Pari zvino tine zvikwata 28 zviri mumabhuku edu asi tinogona kuwedzera kusvika pa32 nekuti pane zvimwe zvina izvo zvatiri kukurukura nazvo zvakarakidza zvikuru kuti zvinoda kutambira muligi redu,” akadaro Mandidewa.

Mandidewa akaenderera mberi achiti pari zvino ligi ravo harisati rave nevakotsveri asi vari muhurukuro nemakambani akasiyana ayo ari kurakidza zvikuru chido chekuda kutsigira mutambo uyu.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×