Bhora pasi: Shaya . . . nhabvu haidi humbimbindoga’

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa munhabvu – George Shaya – anoti nhabvu mutambo wechikwata chose uye vatambi vanofanira kusiyana nehumbimbindoga munhandare kana vachida kusvika kure.

“Mastermind”, sezita remadunhurirwa raShaya, ndiye ega munhorowondo yenhabvu yeZimbabwe akahwina mubairo weSoccer Star of the Year kashanu apo akamboutora katatu kakatevedzana.

Muhurukuro neKwayedza, “Mastermind” anoti: “Nhabvu mutambo wechikwata chese uye kuti muhwine munenge muchitamba muri pamwe chete makabatana. Pasina izvozvo hapana kwamunosvika uye ini zvangu ndega ndaisakwanisa kuhwina mibairo yeSoccer Star of the Year kakawanda kudaro,” akadaro.

Anoti vatambi vemuno vazhinji vari kukundikana kuenda kunotambira kunze kwenyika kune zvikwata zvekuEurope sezvo vaine humbimbindoga munhandare, havadi kutamba nevamwe.

Anoti vamwe vevatambi ava vanoda kuonekwa ivo vega asi izvi handizvo zvinenge zvichitariswa nevarairidzi vanenge vauya vachida kuzovatenga.

“Ungagone kuve une tarenda rinonwisa mvura sei asi kana uine humbimbindoga munhandare hapana zvauri kuita uye hapana kwauri kuenda, ichi ndicho chokwadi.

“Nhabvu haitambwe nemunhu mumwe chete, kwete. Izvo ndinoramba, ndeyechikwata. Paye varairidzi vekuEurope pavanouya kuzokutarisai vanenge vachida kuona kuti unogona kutamba nevamwe zvakanaka here. Hongu, tarenda rinodiwa asi kana usingatambe nevamwe hapana zvauri kuita uri kungozvinyepera.

“Kunzi zvinzi ndini George Shaya ‘Mastermind’ ndaive nevamwe vandaitamba navo muchikwata chedu,” anodaro “Mastermind”.

“Nhabvu yedu hongu iri kufamba hayo negwara rakanaka asi yasvika nguva yekuti ichitungamirirwa nevakambotamba kare nekuti vane ruzivo rwakadzama uye vanoziva kurwadza kwazvinoita kuve mutambi wenhabvu saka vanenge vane moyo wevatambi pedyo,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *