‘Bhosvo rotendeutsa vazhinji’

Malven Mugadzikwa —
CHIKWATA chine mukurumbira wenziyo dzechitendero cheVadzidzi Vekutanga chinoti bhosvo ravanoridza kumashoo avo rine musiyano nemamwe sezvo riine mashoko akadzama arinodudzira kune veruzhinji maringe nekuparidza shoko raMwari.

Mukuru wechikwata ichi – Richard Mapfumo – anoti vakavandudza maridziro avanoita mabhosvo avo.

“Kuimba kwedu kunosanganisa ngoma, hosho, mabhosvo pamwe chete nekutamba. Pane izvi zvose, bhosvo redu ndiro riri kutora mbiri yakanyanya nekuti kamuririro karo tinoona nguva zhinji patinoita mashoo ekutandadza veruzhinji rinotora mwoyo yevakawanda. Veruzhinji vanozopedzisira vava kuda kuti tirambe tichidzokorora, kunyanya pabhosvo apa. Nekuda kwekufarirwa kwebhosvo iri, tiri kuramba tichiwedzera hudobi-dobi hunoita kuti risiyane nemamwe mabhosvo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Redu bhosvo rinotori nemashoko arinodudzira kune veruzhinji maererano nekuridza kwedu tisati tatarisa mashoko enziyo dzedu zvazobatana nekutamba pamwe chete. Kazhinji, tikaridza nziyo dzisina mabhosvo mukati vatsigiri vedu vanochema-chema zvikuru.”

Anoti chikwata chavo chakanyanya kunangana nekuparidza vhangeri kuburikidza nenziyo.

“Vazhinji vanofungira kuti chikwata chedu chiri pasi pechechi yeMethodist asi hazvisirizvo. Vanoona kushandisa kwatinoita hosho nengoma pamwe chete nekutamba nemabhosvo atinoridza. Tinonyora nziyo dzedu tega tichidzibuditsa. Kana nziri dzekumachechi vanenge vatotikumbira kuti tivaridzire,” anodaro.

Chikwata cheVadzidzi Vekutanga chakavambwa muna 2007 apo chakaparura dambarefu racho rekutanga – Kanganwiro.

Chakazoita mukurumbira nekambo kanonzi Vadzidzi Voshambira Mugungwa ako kaiva padambarefu rine zita rimwe chete iri kakabuda muna 2015.

Zvakadai, Mapfumo anoti vari kutarisira kubuditsa rimwe dambarefu ravo idzva rinonzi Misodzi YaHannah munguva pfupi iri kutevera pamwe chete nekambo — Inguva Chete — vakabatana nevamwe vaimbi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *