Fao yorwisa fall armyworm

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reFood and Agricultural Organisation (FAO) rorwisa kupararira kwemakonye emhando yefall armyworm ayo ari kuparadza zvirimwa zvikuru zvakadai sechibage kunyika dziri mudunhu reSouthern Africa, kusanganisira Zimbabwe.

Kunze kwchibage, zvimwe zviri kuparadzwa nemakonye aya zvinosanganisira zvirimwa zvidiki zvakaita semapfunde, mhunga negorosi.

Murongi mukuru kusangano reFood Agriculture Organisation kudunhu reSouthern Africa — VaDavid Phiri — vanoti vari mushishi kurwisa kupararira kwemakonye aya kunyika dzakasiyana.

“Parizvino dambudziko remakonye riri kuonekwa richiramba richitekeshera munyika dzakadai seMalawi, Mozambique, Namibia, South Africa, Zambia neZimbabwe. Zimbabwe yakakwanisa kuona mhando yemakonye aya uye ongororo iri kuitwa ichaziviswa,” vanodaro. Munyika yeZambia, Hurumende yeko inonzi yakashandisa US$3 miriyoni yekurwisa makonye aya anove akakanganisa mahekita 130 000 ezvirimwa.

Zvisinei, muZimbabwe vanamazvikokota vezvekurima vachiri kuita ongororo yekuti vakwanise kuziva hudzamu hwezvirimwa zvakaparadzwa nemakonye aya.

Makonye aya anowanzopararira kuburikidza nekufamba kunoita mhepo achienda muzvirimwa.

Makonye emhando yefall armyworm munyika dzemuAfrica akatanga kuonekwa kuSao Tome nePrinciple mumwedzi waNdira 2016. Anoparadza goho nechikamu chakakura che73% zvichiendererana nemamiriro anenge akaita kunze uye anonetsa kuti aparadzwe nemhando yemushonga imwe chete, zvikuru sei kana achinge akura (larva).

“Nyika dziri muSouthern Africa dziri kuomerwa zvikuru nekuda kwemakonye aya kusanganisirawo nemhashu netumbuyu tunoparadza matomatisi uye chirwere chinobata chibage chemaize lethal necrosis. Zvimwe zvirwere zvinobata zvirimwa zvakadai seHighly Pathogenic Avian Influenza, H5N8 strain zvakaonekwa munyika dzinosanganisira Uganda neRwanda uye pane mikana mukuru wekuti zvinogona kutekeshera kuenda kunyika dziri kuchamhembe,” vanodaro VaPhiri.

Chikamu che70% chevanhu vari munyika dziri muSouthern Africa chiri kurarama kuburikidza nekurima nokudaro zvakakosha kuti patorwe matanho ekudzivirira kuparadzwa hwezvirimwa negoho, zvikuru nezvipfukuto, tumbuyu, makonye uye nezvirwere.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *