Bhuku idzva reScience and Technology

Munyori weKwayedza —
KUTANGA gore rino, vana vepuraimari vave kudzidza chidzidzo cheScience and Technology.Ongororo yakaitwa yebhuku reVentures Primary Science and Technology Grade 3 inoratidza kuti ibhuku rakanyorwa uye rakapepetwa nehunyanzvi hwemandorokwati.

Bhuku iri rakanyorwa zvinonzwisisika zvokuti vadzidzi vanokwanisa kurishandisa vachiyatsorinzwisisa.

Rakanyorwa richitevedzera zvinangwa zvebumbiro idzva reScience and Technology.

Mutauro wakashandiswa wakareruka chose, rine mifananidzo inoyevedza uye yakakodzera pakubatsira vadzidzi kuti vanzwisise chidzidzo ichi.

Kubva parakabuda, bhuku iri rakatambirwa nevadzidzisi pamwe chete nevadzidzi nemufaro mukuru.

Vadzidzisi vazhinji vari kuti kunyangwe zvazvo chidzidzo ichi chiri kuunza matopiki matsva kuScience padanho repuraimari, manyorerwo ebhuku iri anoita kuti zvidzidzo zvitsva izvi zvinzwisisike.

Chikamu choga-choga chine mabasa akawanda anofanirwa kuitwa nevadzidzi anosanganisira maexperiments nemaprojects.

Izvi zvinoita kuti vadzidzi vanyanye kufarira chidzidzo cheScience. Bhuku iri rinokwanisa kupa vadzidzi ruzivo uye hunyanzvi hweScience uhwo hunokwanisa kusimudzira nyika yedu yeZimbabwe mubudiriro yemaindasitiri.

Bhuku iri rakanyorwa naVa- George Mujajati vanove munyori anozivikanwa zvikuru munyika muno.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *