Ofurufushwa nemusikana waakaramba

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekupomerwa kumitisa mumwe musikana iye aine mudzimai akazopotera kudare achiti musikana uyu ari kumufurufusha zvose nemukadzi wake.

Fredrick Nyatsanza akaendesa Evelyn Rwodzi kuHarare Civil Court achiti anoenda kubasa kwake achinomutuka pamwe nekutumira mashoko ekutukirira kumudzimai wake.

“Musikana uyu ndakambodanana naye asi tikazorambana. Zvino ava kuuya achishungurudza mudzimai wangu achimutyisidzira kuti anogona kuputsa mahwindo epamba zvekuti mukadzi wangu ava kutotya. Kana kubasa kwangu anouya achipopota izvo zvava kutondishaisa rugare,” anodaro Nyatsanza.

Anoti ava kutozeza kuonana naRwodzi nekuti anoda kumurova pose pavanosangana nekuda kwenhumbu yaanoti ndeyake, zvisinei nekuti akambomuona aine mumwe murume kumba kwake.

“Anondisandudzira achiti anoda mari yekutenga hembe dzemwana nekuti ane mimba yangu. Ini handimupe nekuti handina chokwadi kuti mwana ndewangu sezvo ndakamboona mumwe murume achibuda mumba make. Ndakamuti aongororwe kuti mimba yava nemwedzi mingani asi haadi,” anodaro Nyatsanza.

Rwodzi anoudza dare kuti Nyatsanza haana kumbobvira amuudza kuti ane mudzimai.

“Ava kuti ane mudzimai nhasi uno asi pataidanana airamba achiti ari kungodanana nemukadzi uyu sezvaari kungoita neni, ini handinawo kumboita dambudziko nazvo. Chava kunetsa ndechekuti haachandida nekuti ndava nemimba, ava kutsvaga tunyaya tusina basa twekuti atize mimba yake,” anodaro Rwodzi. Mutongi Amanda Muridzo akapa Nyatsanza gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×