Bhuku rinobatsira pabvunzo

Munyori weKwayedza —
Ventures Agriculture Revision Grade 7 ibhuku idzva richangobva kuburwa kubva kuvabiki vemabhuku veCollege Press. Ongororo yemabhuku inoratidza kuti rakanyorwa zvinonzwisisika zvokuti rinobatsira zvikuru kunyanya kuvadzidzi vegwaro rechinomwe avo vari kutarisirwa kunyora bvunzo muchidzidzo cheAgriculture kupera kwegore rino.

Nokudaro, bhuku iri rakakosha zvikuru kumudzidzi wose ari mugwaro rechinomwe (Grade 7).

Kutanga gore rino, vadzidzi vose vegwaro rechinomwe vachange vonyora bvunzo muchidzidzo che- Agriculture.

Izvi zvakabva muongororo yakaitwa nevakuru vezvedzidzo avo vakaona kuti zvakakosha kuti vadzidzi vange vachifundiswa kushandisa mawoko avo muzvidzidzo zvakaita seAgriculture.

Bhuku iri rinopenegura nekupepeta chidzidzo cheAgriculture zvokuti mudzidzi anowana mukana wokuriverenga anokwanisa kubudirira zvakanyanya pabvunzo.

Chikamu choga-choga chakanyatsotsanangurwa nokupepetwa zvokuti chero mudzidzi anoverenga oga bhuku iri, anokwanisa kunyatsonzwisisa donzvo rechidzidzo ichi. Pakupera kwechikamu choga-choga, pane mibvunzo inobatsira vadzidzi kugadzirira bvunzo.

Kumagumo kwebhuku kune mapepa ebvunzo akawanda. Mhinduro dzinowanikwawo zvakare mubhuku irori.

Vadzidzi vari mumagwaro akaita serechishanu nerechitanhatu vanokwanisawo kubatsirikana nokushandisa bhuku rimwe chetero iri.

Bhuku iri rakanyorwa naVa G. Mujajati, vachibatsirwa naVa G. T. Kombora. Vaviri ava inyanzvi muzvidzidzo zvekudzidza kwavadzidzisi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *