Ndiwo ma’spiritual husbands’ here?

Mubvunzo:
Sekuru, nyaya yema “spiritual husbands” nema “spiritual wives” inombofamba sei? Ini ndiri mudzimai, ndiri kubata nhumbu dzichibva. Ndapinda mudzimba dzave nhatu dzichiparara asi ndichirota ndichiita bonde kuhope, ndobata mimba apo ndinozobara vana asi handivabate kana kuvaona vana vacho.
Pamwe ndinorota ndichirara nezvipuka zvakafanana nembwa nezvimwewo, dzimwe nguva vari vanhurume. Upfumi hwese hwandaive nahwo hwaparara, handichazivi zvekuiita.
Ndiwo ma “spiritual husbands” acho here?

Mhinduro:
Muzukuru wauya zvakanaka kubvunza nhau iyi nekuti ndiyo inonzi mweya yezvikwambo – Mwari haadi uye haana kusika zvakadai. Ndiyo mweya yetsvina iri kukushandisa.
Ukanonoka kubatsirwa unoguma wakuvara chibereko kana kusabata pamuviri, kudzingwa mumba kana kusaita murume zvachose. Unogona kuguma wava nezvirwere zvakafanana negomarara rechibereko kana mamwewo mapundu muchibereko.
Kana kuine vamwe vazukuru vari kusangana nezvakadai, kasikai kutsvaga rubatsiro mununurwe kubva mumatambudziko aya.
Mweya iyi inogona kuunzwa nevehukama kana vatorwa vachida kuti iwe usafe wakaita mwana kana kuroorwa. Izvi hazvisi zvekutamba nazvo, ukaona uchirota kuhope uye kubaiwa kana kupfanwa dumbu rako, iyo mweya iyoyo ndiyo inenge ichitokushandisa. Musamirire kuti mukuvare.
Kana uri musikana uchisangana nezvakadai, kasika kubatsirwa kuitira kuti wozopinda mumba mako wakatochena – mweya iyi isiri pauri.
Saka iwe muzukuru ndinoti tsvaga vechikuru vemumhuri mako vakubatsire kuenda kuvanhu vanoziva kudzinga mweya yakaipa iyi pachivanhu. Unokwanisa kuenda kumahofisi eZinatha ari pedyo newe wonobatsirwa. Zvinopera muzukuru.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×