Bindura South yokwezva vashanyi

DUNHU reBindura South riri kusimukira munyaya dzebudiriro zvichiteverwa kuvakwa kuri kuitwa dzimba dzevashanyi dzekutandarira nekurara kwaMasembura.

Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa nemumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Dzimba idzi dziri kuvakwa kumahombekombe eMasembura Dam, iro rine nzvimbo dzinoyevedza nemasango ane miti yakasiyana-siyana.

Cde Matangira vanoti vakauya nepfungwa iyi kuburikidza nezvavakaona mukushanya kwavanoita kunzvimbo dzakasiyana munyika muno nekunze.

Vanoti vane kunyika kwavakaenda uko vakanoona vagari vekumaruwa vachirarama zvakanaka kuburikidza nedzimba dzekutandarira nekurara (lodges kana kuti charlets) zvinove zvakavapa shungu dzekutangawo chirongwa ichi kudunhu ravo.

“Ndabva ikoko kwandaiva ndashanya, ndakangosvikotaura nyaya iyi kuvatungamiri vangu tichibva tawirirana pahurongwa uhwu. Takabva tatika ndiyo inonzi domestic tourism inoitwa kune dzimwe nyika isingade zvakawanda.

“Madzimai nevechidiki vachibva vakanya zvidhinha ndokuvatengera simende basa richibva ratanga, iro riri kufambira mberi izvozvi,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa nemisha yemumabhuku gumi.

“Pahutungamiri, takasarudza madzimai mashanu nemasabhuku ose gumi nevechidiki. Vari kuvaka vagari vemunzvimbo iyi avo vanenge vachibhadharwa kuita basa iri. Mamiriro achange akaita dzimba idzi takatevedzerawo dzimwe dzimba dzatinoona kwatinoshanya.”

Munzvimbo imwe chete iyi kuseri kwedzimba idzi kune chirongwa chekupfuya hove.

“Chirongwa chekuvakwa kwedzimba idzi takachitanga mugore ra2013 icho chiri kufamba zvishoma nezvishoma. Takaisawo mafish ponds ekuchengetera hove kuitira kufadza vashanyi. Kunze kwaizvozvo, hove dzichaiswa mumafish ponds aya dzichabatwawo dzichitengeswa kuvagari vemunharaunda iyi vachiwana mari uyewo nekuti vapote vachidya nemhuri,” vanodaro Cde Matangira.

Chirongwa chekupfuya hove ichi vanoti chiri kutsigirwa nerimwe sangano rakazvimirira iro riri kubatsira nemari nezvimwe zvinodiwa.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×