O’Reilly otamba nhova

MUTAMBI wetsiva wekuIreland weboka reamateur – Michael O’Reilly – akatemerwa chirango chekuti asakwikwidze mumutambo uyu kwemakore mana zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutora zvinodhaka mumuviri zvisingatenderwe mutambo we2016 Olympic Games usati watanga.

O’Reilly, uyo anokwikwidza muboka remiddleweight, akaonekwa kuti aishandisa mushonga wemethandienone uye ainge amiswa kukwikwidza pazuva iro raiitwa draw remitambo yacho.

Mutambi uyu achatemerwa zvirango zvichasvika muna2020 uye akambohwina menduru yegoridhe kumitambo yeEuropean Games pamwe neyebhuronzi ku2015 World Championships kuDoha.

O’Reilley akachema-chema kuti adzikisirwe chirango chaainge apihwa uye akashandisa sangano reSport Ireland kuti rimumirire achiti mhosva iyi haana kuipara nekuziva.

Nyaya yake yakapedzisira kuongororwa muna Zvita 2017 uye boka reIrish Anti-Doping Disciplinary Panel rakazivisa kuti chirango chaakapihwa chicharamba chakamira.

Chinyorwa chakatumirwa sesangano iri chinoti, “Boka rinoongorora nyaya iyi rakawirirana kuti O’Reilly haana kuburitsa pachena kuti kubatwa kwaakaitwa nemhosva kwange kuri pachena here kana kuti akazviitisa.” – Sky Sports News

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *