Boys Dzenharo dzingabude here paMWOS?

Abel Ndooka

CHIKWATA chiri kupisa muCastle Premier Soccer League (PSL) cheMWOS FC svondo rino chiri kunanga kuChisumbanje, uko chichanotatsurana necheGreenFuel, icho chinozivikanwa zvekare nezita remadunhurirwa rekuti Boys Dzenharo, kuGreenFuel Arena.

MWOS FC, iyo yakapinda muPSL mwaka uno, haisati yambokundwa; yahwinha mitambo minomwe, ndokuita mangange mimwe mishanu kubva pamitambo 12, uye ndiyo iri kutungamira palogo rePSL iine zvibodzwa 26.

MWOS FC neFC Platinum pari zvino ndizvo zvikwata zviviri zvisati zvakundwa pamitambo yazvo, apo zviri kugadzirira mitambo yematchday 13.

Chikwata chaLloyd “Samaita” Mutasa (MWOS) svondo rino chiri kusangana nechaTaurai Mangwiro (Boys Dzenharo) kuChisumbanje.

Aka kachange kari kekutanga zvikwata zviviri izvi zvichisangana mumutambo wePSL.

MWOS iri kuenda kumutambo uyu ichangobva kuzvambaradza Kwekwe United 4-0 svondo radarika kuNgoni Stadium.

Kune rimwe divi, chikwata cheBoys Dzenharo chakakunda Chicken Inn (Gamecocks) 1-0 mumutambo wakatora nzvimbo kuLuveve, kuBulawayo, pamusha peChicken Inn svondo radarika.

Kubva pamitambo 12 yatambwa neBoys Dzenharo, chikwata ichi chakwanisa kuhwinha mitatu, ndokuita mangange minomwe uye kukundwa miviri, izvo zvaita kuti chigare pechipfumbamwe palogo rePSL chiine zvibodzwa 16.

Scottland FC, iyo iri kudzingirirana neMWOS FC palogo rePSL, ichange iri pamusha musi weChishanu chino apo ichasangana neChicken Inn kuRufaro Stadium muHarare.

Mabvirabvira iri kufemera mugotsi meMWOS FC, iyo yakangoisiya nezvibodzwa zvitatu chete sezvo Scottland ine zvibodzwa 23 kubva pamitambo 12 yePSL, kuchiti MWOS ine zvibodzwa 26.

Svondo radarika, Scottland yakaita mangange 0-0 neManica Diamonds kuSakubva Stadium kwaMutare.

Shasha dzePSL, Simba Bhora, ichatatsurana neCAPS United nemusi weSvondo kuRufaro Stadium.

Simba Bhora kana kuti Chinhu Chedu, yakagara pechitatu palogo rePSL iine zvibodzwa 22 kubva pamitambo 12.

Gore rino,  Simba Bhora ichange ichidzingirira mikombe yakasiyana sezvo ichada kurwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL, kuchiti kune rimwe divi ichikwikwidza mumutambo weCAF Champions League, uyo uchazotanga mwedzi inotevera.

Svondo radarika, Simba Bhora yakazvambaradza Triangle United 4-0 kuWadzanayi Stadium kuShamva.

CAPS United iri kupinda mumutambo uyu ichibva kuita mangange 1-1 neDynamos FC mumutambo weHarare Derby, wakatora nzvimbo kuRufaro Stadium svondo radarika.

Makepekepe mwaka uno haisi kunyatsotamba zvinogutsa, izvo zvakazotuma chikwata ichi kushandura murairidzi wacho; Lloyd Chitembwe akatsiviwa basa rake naIan Bakala.

Ngezi Platinum Stars (Madamburo), iyo yaimbove shasha yePSL, ichange iri pamusha payo nemusi weMugovera, apo ichasangana neDynamos FC kuBaobab Stadium kuMhondoro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×